Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Chishanu, Kubvumbi 29, 2016


Nhau DzeShona Studio7

Mutungamirii weTogo anovhura zviri pamutemo chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair muBulawayo, vanorwira kodzero vachiti mutungamiri uyu ane maoko akasviba munyaya dzemutongo wejechetere.

Nyaya yevashandi veNational Railways of Zimbabwe inonzwika mumatare mutongo uchitarisirwa neChipiri svondo rinouya.

Madzimai nevanasikana vangevachibatwa senhapwa kuKuwait uko vakaenda kunotsvaga basa vanotarisirwa kusimuka munyika iyi vakananga kuHarare nhasi panguva apo Mambo Musarurwa vari kuyambira vanasikana kuti vasakwezwe moyo nemabasa emunyika iyi.

Mitambo yenhabvu mukupera kwesvondo yoitwa vakawanda vakaisa maziso pazvikwata zve Caps United ne Dynamos.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa chirongwa cheZITF nekuuya kwemutungamiri weTogo kwakonzera mutauro munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai whats app nhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 AM ne 4930 Kilohertz pa ShortWave.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Kubvumbi 29, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG