Accessibility links

Breaking News

Misoro YeNhau Dzanhasi– Chishanu, Kurume 25, 2016.


Misoro yeNhau

Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yeNhau dzanhasi– Chishanu, Kurume 25, 2016.

Ini ndini Marvellous Mhlanga Nyahuye ndichiti heinoi misoro yeNhau dzanhasi– Chishanu, Kurume 25, 2016.

Zimbabwe Yotamba neSwaziland mumakwikwi eAfrica Nations Cup 2017 kuMbambane.

Gurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere voramba kutambira munyori mukuru kana kuti town clerk akasarudzwa nekanzuru yeHarare.

Zimra yobatira kanzuru yeChiinhoyi mari mumabhanga nekutadza kwayo kubhadhara mitero.

Tichataura nezvizvarwa zveZimbabwe nenyaya yezororo reEaster.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa zororo reEaster nezviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe.

Vanoda kupinda muchirongwa cheLiveTalk, kana kutumira mashoko pamwe nekukwazisa hama neshamwari, shandisai Whats App nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 031

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Kurume 25, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG