Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi Chishanu, Kurume 18, 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanogayisa hupfu muZimbabwe votenga chibage kubva kuMexico chinosvika makumi mapfumbamwe ema metric tons.

Sangano rinokweretesa mari pasi rose rinoti Zimbabwe ngaisatarisira kukwereteswa mari kudzamara yabvisa misaririrwa yemari yose yayaifanirwa kunge yakabhadhara pazvikwereti zvayo zvose.

Nyanzvi dzozeya zvinofanirwa kuitwa munyika kuitira kuti mangoda nezvimwe zvicherwa zvisimudzire nyika yose kwete vanhu vashoma chete.

Dare redzimhosva rinombosendeka mutongo waro panyaya yakakwidzwa naVaMatson Hlalo avo vakadzingwa museneti umo vaimirira MDC-T.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa zvakaitika panyaya yemangoda, uye zvingaitwe nenyika kuitira kuti mangoda nezvimwe zvicherwa zvibatsire mukusimudzira hupfumi hwenyika.

Vanoda kupinda muchirongwa cheLiveTalk, kana kutumira mashoko pamwe nekukwazisa hama neshamwari, shandisai whats app nhamba dzedu dzinoti + 1 202 465 031

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi Kurume 18, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG