Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro, Kurume 14, 2016


Studio7
Studio7

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heyino misoro yenhau dzanhasi Muvhuro, Kurume 14, 2016

Mapato eZimbabwe People First ne Transform Zimbabwe orwiswa nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF.

Mubatanidzwa wemachechi woita hurongwa hwekusangana nevakuru muhurumende pamwe nevanopikisa hurumende kuitira kuti vazeye zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Vanorarama neHIV/AIDS vokumbira hurumende nemasangano anobatsira kuti vawanirwe chikafu sezvo mapiritsi ema ARVs avari kunwa achida kunwiwa nemunhu atanga adya chikafu chinokodzera.

Gurukota rinowona nezve madzimai rinoti panechirongwa chekutanga banga richabatsira vanhukadzi kuti vakwanisa kukwereta mari nyore.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa mhirizhonga iri kuitika munyika.

Vanoda kutumira mashoko kuStudio7 vachishandisa Whats App, tumirai panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860 ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOAShona.

Misoro yeNhau Dzanhasi Muvhuro Kurume 14, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG