Accessibility links

Breaking News

Vanotyaira Magonyeti Votakura Zvinodhaka?


Sangano rinoona nezvemotokari dzinotakura zvinorema reTransport Operators Association of Zimbabwe,TOAZ, rinoti riri kushushikana zvikuru nevatyairi vari kutakura zvinodhaka, uye rakatosungisa vamwe vatyairi gumi nevashanu pazororo rekisimusi.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa musangano iri, VaJeremiah Maruza, vanoti donzvo ravo nderekuti motokari dzenhengo dzaro dzisashandiswe kutakura zvinodhaka izvo zvinopesana nemitemo yenyika.

VaMaruza, avo vanoti vari kuita chirongwa chekuongorora motokari dzenhengo dzavo kuti hadzisi kutakuriswa zvinodhaka, vanoti vakatobata vatyairi gumi nevashanu kubva musiwa 18 Zvita kusvika 26 Zvita.

VaMaruza vanoti vakawanda vevatyairi vakasungwa vainge vakatakura zvinodhaka zvakaita sembanje, hwahwa nemapiritsi pamwe nemabhero ehembe.

VaMaruza vanoti basa ravo riri kudzoserwa kumashure nemapurisa ayo vanoti havasi kunyatsoshandirana pamwechete navo.

Vanoti mapurisa vari kugarira nyaya dzavanenge vavapa zvinoratidza kuti panenge paitwa huori.

Sangano reTOAZ rinoti rimwe dambudziko guru ravanosangana naro ndere nhengo dzavo dzinosungirwa mhosva inenge yaparwa nevatyairi vavo zvichinzi motokari dzavo ndidzo dzinenge dzakatakura zvisingabvumirwe.

Mumwe anotengesa mbatya dzemumabhero anoda kuzivikanwa nezita rekuti Antony anoti vanoshandisa motokari dzinotakura zvinorema nekuti hadziongororwe zvakanyanya sezvinoitwa mabhazi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, VaClemence Mabgweazara, vanobvuma kuti pane vatyairi vakasungwa asi havana huwandu hwavo.

VaMaruza vanoti vamwe vatyairi gumi nevaviri vakasungwa kuBeitbridge vamwe vana vakasungwa kwaMutare paForbes.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG