Accessibility links

Breaking News

Harare Residents Trust Inoti Makanzura Mazhinji Haana Ruzivo rweKutongwa kweMatunhu


VaPrecious Shumba

Sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rabudisa kuvatori venhau gwaro rinoshora makanzura mazhinji richiti haasi kuteerera zvinotaurwa nevanhu vakavasarudza uye havasi kuzviendesa kukanzuru.

Mukuru wesangano iri, VaPrecious Shumba, vaudza Studio7 kuti kunyange havo vachiziva kuti mamwe makanzura havana ruzivo rwekutongwa kwematunhu, zvinhu hazvina kumira zvakanaka nekuti makanzura mazhinji havakwanisi kunyora pasi zvavanoudzwa nevanhu kuti vagoendesa kukanzuru kunozeya zvavanenge vaudzwa.

VaShumba vanotizve makanzura havana chinoratidza zvavari kuita sezvo vasingachengeti mabhuku ekunyora zvavanenge vachiita pamwe chete nezvavanotumwa kunotaura vakamirira vagari.

VaShumba vati mashandiro anoita makanzura haaenderani nekutonga kwejekerere nokuti manzwi evagari haasi kunzwikwa pamusoro pekuti vanhu vavakasarudza kuti vavamirire havagoni uye havazivi zvekuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG