Accessibility links

Breaking News

Nhengo Mbiri dzeMDC Alliance Dzinopambwa neKurohwa neVanhu Vainge Vakapfeka Mbatya dzeMauto neMapurisa


Mauto ari kupomerwa mhosva yekushungurudza vanhu
Mauto ari kupomerwa mhosva yekushungurudza vanhu

Nhengo mbiri dzeMDC Alliance mudunhu reHarare, VaAllan Moyo, naVaLameck Bizure, pamwe nemudzimai wakanzura we Ward 16, VaDenford Ngadziore, Lydia Mulenga nemwana wavo ane mwedzi minomwe, vanonzi vakapambwa nezuro manheru nevanhu vakanga vakapfeka mbatya dzemauto pamwe nedzepamurisa vachifamba nePuma yemauto.

VaMoyo vanoti vakatorwa vakatotandara zvavo vari pamba paVaBizure, vakakandwa muPuma yemauto iyi vachizoendwa navo kuDzivaresekwa uko vakasiya vakandwa mushure mekurohwa pamwe nekushungurudzwa.

VaMoyo vanoti vakazowanawo mumwe ane tsiye nyoro akazovatakura kuenda navo kukamba yemapurisa yeMabereign Police Station uko vakavhurisa dhoketi rekupambwa pamwe nekushurungurudzwa kwavo.

Dhoketi ravakavhurisa riri pasi penhamba dzinoti R-R-B 4421892.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakaudza Studio 7 nezuro usiku kuti vakanga vasati vanzwa nezvenyaya iyi, sezvo zvakaitika kwadoka.

Asi VaMoyo vanoti vanofunga kuti kupambwa nekushurudzwa kwavo uku kune chekuita nezvematongerwo enyika, sezviri kungoitika kune dzimwe nhengo dzebato ravo dziri kungopambwa dzchishungurudzwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG