Accessibility links

Breaking News

Vashandi veKanzuru yeHarare Vanoti Havachakwanisa Kuramba Vachienda kuMabasa


Vashandi vakawanda vekanzuru yeguta reHarare vanoti vava kuomerwa nehupenyu zvekuti vachange votadza kuenda kumabasa avo nepamusana pekushaya mari inovakwanira.

Izvi zviri kuuya panguva iyo vamwe vanamukoti vemuzvipatara zvekanzuru pamwe nemakiriniki vasiri kuenda kumabasa vachiti havana mari dzekufambisa, danho rinonzi rakanganisa kufambiswa kwezvehutano muguta iri.

Sachigaro verimwe sangano revashandi vekanzuru, reHarare Municipality Workers Unoin, VaCosmas Bungu, vanoti vashandi vari pakati peGrade 5 neGrade 16 vanosanganisira vanamukoti, ndivo vari kunyanya kuomerwa nehupenyu.

VaBungu vanoti vakasangana nevamiriri vekanzuru nemusi weMuvhuro asi havana kupedza nhaurirano, nekudaro vachasangana zvakare neMuvhuro neChipiri svondo rinouya.

Hurukuro naVaCosmas Bungu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kanzuru yavo inozviziva kuti vashandi vakaomerwa, uye iri kuedza napose painogona kuti igadzirise mashandiro avo.

Asi VaGomba vanoti kuomerwa kwevashandi kwakangofananawo nekuomerwa kwemakambani ari kushandirwa nevashandi ava, kusanganisirawo makanzuru, nekudaro vagari vanofanirwawo kuita pavo kuburikidza nekubhadhara zvikwereti zvavo kukanzuru.

Hurukuro naVaHerbert Gomba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG