Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yovimbisa Vagari Mvura Yakawanda


Meya veHarare VaHerbert Gomba.

Kanzuru yeguta reHarare inoti mumasvondo maviri anotevera inenge yave kuwedzera mvura yakachena yainosvitsa kuvagari veguta nemagaroni anoita mamirioni makumi manomwe nemashanu.

Meya veguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanoti kunyange zvavo vakatarisana nezvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa, chinangwa chavo chikuru pari zvino ndechekusvitsa mvura yakachena yakawanda kuvagari veguta.

Vanoti matambudziko avakatarisana nawo sekanzuru anosanganisira kushaikwa kwemishonga yekuchenesa mvura, mari yekunze kwenyika, uye kugadzirisa mapombi epasi akatsemuka, asi vanoti kunyange vaine zvimhingamipinyi zvose izvi, vanotarisira kuwedzera mvura yakachena inosvika kuvanhu.

VaGomba vanotizve pombi dzinoendesa mvura kuMabvuku dzichagadziriswa nekukurumidza munguva pfupi inotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG