Accessibility links

Breaking News

Korera Inonzi Yauraya Vanhu Makumi Maviri neVasere muHarare Chete


Vanhu makumi maviri nevasere vanonzi vafa nechirwere chekorera kusvika pari zvino muguta reHarare chete, sekutaura kwevakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Clemence Duri.

Ukuwo bazi rezvehutano rinoti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwava kudarika zviuru zvina munyika yose.

“Tiri kugutsikana nemafambiro ari kuita zvinhu nekuti vanhu vese vari kuisa misoro pamwe chete. Tiri kuedza kubata pamwe chete neshamwari dzedu nesuwo veHarare City Council tiri kuedza kuita zvatinogona,” Dr Duri vaudza Studio7.

“Hongu, hatingagoni kuzviita zvese asi unonyatsona kuti vanhu vane chido chekuti chirwere ichi chipedzwe zvachose.”

Dr Duri vanoti kunyange hazvo vachigutsikana nebasa riri kuitwa mukurwisana nechirwere ichi, vari kukumbira vanhu nemasangano ekunze kuti vabatsire mukurwisa chirwere ichi.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati veruzhinji vanofanirwawo kubatsira nemari yekurwisa chirwere ichi.

Korera yagara ichinetsa muZimbabwe. Muna 1993 ku muna 2003, korera yakabatwa nevanhu vanodarika zviuru makumo manomwe. Muna 2008 vanhu vanodarika zviuru zvina vakafa nechirwere ichi.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti Zimbabwe ndiyo chete nyika yawirwa nedambudziko rekorera rakaipisisa kudarika dzimwe nyika dzemuAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG