Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yeguta reHarare Yabatana Nekambani YeFrance Kudzidziswa Kuchengetedza Mvura


VaPrecious Shumba

Kanzuru yeguta reHarare inoti yabatana nekambani yekuFrance, yeVitens Evides International, kuti ibatsire mukuderedza huwandu hwemvura inorasika mupombi dzemvura isati yasvika kuvagari.

Mutauriri wekanzuru iyi, VaMichael Chideme, vanoti zvakaonekwa kuti zvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana zvemvura yakachena zvinorasika zvisati zvasvika kuvanhu, nekudaro kanzuru yakafunga kutsvaka rubatsiro kubva kukambani yekuFrance iyi.

VaChideme vanotizve kanzuru yavo iri kutanga kuisa mamita emvura ekuti vagari vangoshandisa mvura yavanenge vabhadharira chete, kana kuti ma pre-paid water meter anosvika zviuru makumi masere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, sangano revagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti kanzuru iri kutambisa mari pazvinhu zvisina basa zvainofanira kugona kuita yoga.

Mutungamiri wesangano iri, VaPrecious Shumba, vanoti mvura iri kurasika isati yasvika kuvanhu iri kubiwa nnevanhu vari kusungirira pombi dzavo zviri kunze kwemutemo, izvo zvatsinhirwawo naVaChideme.

VaShumba vati dai kanzuru yaedza kuisa pombi itsva dzemvura kana kiromita imwe chete zvayo pamwedzi pachinhambo chekutambisa mari ichishevedza vanhu vekuFrance kuzovabatsira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG