Accessibility links

Breaking News

Vanamukoti veKanzuru yeHarare Voti Havachakwanisi Kuenda kuMababsa Mazuva Ose


Vanamukoti vanoshanda mumakiriniki ekanzuru vanoti vari kudawo zvakare mihoro yavo yemakore adarika yavasina kupiwa.

Vanamukoti mumakiriniki pamwe nezvipatara zvekanzuru yeHarare vanoti vaomerwa nehupenyu zvekuti vakatozivisa kanzuru kuti havachakwanisa kuramba vachienda kubasa mazuva ose.

Mumwe mukoti ataura neStudio 7 asina kuda kudomwa nezita sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau ati vashandi vari kunyunyuta zvikuru nekukundikana kwekanzuru kuvabhadhara mihoro yavo nenguva.

Mukoti uyu ati vashandi havasati vabharwa mihoro yavo yemwedzi minomwe yegore ra2016, bhonasi ra 2018, uye mihoro yaChivabvu naChikumi gore rino, kunyange hazvo vakakwanisa kubhadharwa mwedzi uno.

Anotiwo chimwe chiri kurwadza vanamukoti vekanzuru ndechekuti vamwe vavo vari muhurumende vari kupiwa mari dzavo nenguva, uye mari dzekuvadzivirira kubva mukukwira kwemitengo yezvinhu, asi ivo vasina chavati vawana.

Mushandi uyu anoti svondo rino vachambotsanzira kuenda kumabasa vachimirira mhinduro kubva kukanzuru.

Vanamukoti ava vanoti vanofanirwa kubhadharwa mari dzavo idzi dzichienzaniswa nehuremu hwemari hwezuvaro zvichienzaniswa nemari yekuAmerica.

Zvinonzi pari zvino vanamukoti ava vari kutambira mihoro iri pakati pemadhora mazana mapfumbamwe nechiuru chine mazana maviri pamwedzi ari maRTGS.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMicheal Chideme vanoti kanzuru yakatambira zvichemo zvavanamukoti izvi uye zviri kutarisiswa.

Asi VaChideme vanoti dambudziko guru rakatarisana nekanzuru yavo ndere kushaya mari.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG