Accessibility links

Breaking News

Vagari Vonetseka Zvikuru neMangange Ari Pakati peKanzuru yeHarare neVashandi Vayo


Harare City Council
Harare City Council

Sangano rinomirira vagari veguta reHarare, reHarare Residents Trust, riri kukurudzira kanzuru yeguta reHarare kuti itaurirane nevashandi vari kuramwa mabasa nepamusoro penyaya dzemihoro yavo uye kushaya mbatya dzekuzvidzivirira vari pabasa.

Vashandi vekanzuru vanoona nezvemvura nekutakurwa kwemarara vave nemasvondo matatu vachienda kubasa asi vasinganoshandi, vachiti nyaya dzemihoro yavo dzigadziriswe pamwe chete nekupiwa zvikwanisiro zvepabasa.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa zvechimbichimbi nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

VaShumba vanoti nezuro chete, Muvhuro, vakatambira zvichemo zvinoita zana nemakumi matanhatu, zvinosanganisira pombi dzemvura dzakatsemuka asi hapana kana chichemo chimwe chete chati chagadziriswa.

Mutauriri wekanzuru yeguta reHarare, VaMichael Chideme, vanoti ichokwadi kuti pane hurukuro dziri kuitwa pakati pevashandi nekanzuru yeguta reHarare.

VaChideme vanoti kunyange hazvo pari zvino hurukuro idzi dzisati dzasvika pakubvumirana, kanzuru iri mubishi rekuedza kutsvaka nzira yekuwirirana nevashandi vavo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revashandi vekanzuru panguva iyo taenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG