Sangano reBloomberg Philanthropies Foundation rekuAmerica rinopa zana rezviuru zvemadhora ekuAmerica kukanzuru yeHarare kuti irwisane nezvirwere zvisingatapuriranwi kana kuti Non Communicable Diseases, izvo zvave kuuraya vanhu vakawanda kudarika zvirwere zvinotapurirwana.
Vachizivisa nezvehurongwa uhwu nhasi, meya veHarare, VaHebert Gomba, vati guta ravo richange richishanda nemamwe maguta makumi manomwe pasi pechirongwa ichi, chePartnership for Health Cities.
Vati pasi pechirongwa ichi, kanzuru ichange ichibatsirwa nenyanzvi kubva kuWorld Health Organisation pamwe nesangano reVital Strategies kudzivirira kupararira kwezvirwere zvakaita segomarara, zvirwere zvemwoyo, shuga nezvimwe.
VaGomba vati danho rekutanga pachirongwa ichi, icho chichatanga muna Ndira kusvika munaZvita gore rinouuya, ndere kuita ongororo yekutsvaga huwandu hwevanhu vanorwara nezvirwere zvakadai, uye kuti zvinokonzerwa neyi vasati vatanga kurapa vanhu ava.
VaGomba vazivisawo kuti vane mukana wekuwana rubatsiro rweimwe mari kubva kuBloomberg Foundation uye panewo mamwe masangano ari kuda kubatsira kanzuru kuti iwanise vagari vemuguta hutano hwakanaka.
Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Doctor Prosper Chonzi, vaudza Studio 7 kuti muHarare neZimbabwe yose hapana ruzivo rwezvirwere zvinouraya chinyararire izvi sezvo makanzuru, hurumende nemasangano akasiyanasiyana vachingotarisa zvirwere zvinotapuriranwa chete.
Vati nekuda kwaizvozvo, chirongwa chavari kuita neBloomberg Foundation chichabatsira zvese guta nenyika.
Dr Chonzi vaenderera mberi vachiti sekanzuru vanoda kuona kuti veruzhinji vadzivirirwa kuzvirwere kuti vave nehutano hwkanaka.
Pasi rese zvirwere zvisingatapuriranwe kana kuti Non Communicable Diseases kana kuti maNCDs ndizvo zviri kuuraya vanhu vakawanda.
Humbowo hunobva kuWorld Health Organisation hunoratidza kuti pamamiriyoni makumi mana nerimwe evanhu vanofa gore rega-rega pasi rese, zvikamu makumi manomwe nechimwe kubva muzana zvevanhu ava zvinofa zvirwere zvisingatapuriranwe zvakaita segomarara (Cancer), shuga (Diabetes), kuoma mutezo (Stroke) pamwe ne BP (Hypertension).
Zvichakadai Dr Chonzi vazivisa kuti zvipatara zvese nemakirinika ekanzuru zvave kushanda zvakanaka kuyange hazvo vanamukoti vese vasati vadzoka kubasa.
Vati zvikamu zvinodarika makumi mapfumbamwe kubva muzana zvavanamukoti vanoshanda mukanzuru zvakatodzoka kubasa uye pane masangano ari kushanda nekanzuru kuona kuti zvinhu zvese zvagadziriswa.
Facebook Forum