Accessibility links

Breaking News

Vagari Vonetsana neKanzuru yeGweru


Gweru Sign POst
Gweru Sign POst

Vagari vemuGweru vari kugununguna zvikuru vachiti kanzuru yavo haisi kuita basa rayo nemazvo uye iri kutambisa mari pazvinhu zvisinei nevagari vemuGweru.

Mutungamiri wesangano reGweru Residence Forum, VaCharles Mazorodze, vanoti vanhu havasi kufara nevanhu vavakasarudza kuti vavamirire semakanzura eguta ravo.

Vanotiwo kanzuru, kusanganisira munyori weguta, iri kutambisa mari uye haisi kuita mabasa ayo nechinangwa chokugadzirisa zvinotambudza vanhu muguta iri.

VaMazorodze vanoti vanhu vavakasarudza vave kuita mabasa evanhu vasina kuvavhotera uye vari kungobvuma kutambiswa kwemari asi zvinhu zvisingagadziriswe muguta ravo.

Gweru Residence Forum inoti zvimwe zvezvichemo zvavo zvinosanganisira migwagwa isiri kugadzirwa, kushomeka kwemvura, ma pre-paid meters, ayo ari kushorwa nevamwe, kugara kwa munyori weguta, Amai Elizabeth Gwatipedza, kunze kweguta reGweru uye kutengwa kwemotokari yavo itsva.

Meya weGweru, VaCharles Chikozho, vanoramba zvese zviri kutaurwa neGweru Residents Forum vachiti vanhu ava havazivi zviri kuitika nokuti havauyi kumisangano.

VaChikozho vanoti kunyange hazvo vanhu nemakambani muGweru vane chikwereti chinopfuura mamirioni makumi mashanu nemaviri emadhora yavasati vabhadhara kukanzuru, ivo nevamwe vavo vari kuita basa rakanaka zvikuru.

Amai Gwatipedza vanorambavo mhosva dzese dzavari kupomerwa vachiti hapana chavari kuita chisiri mugwara rebasa ravo.

Vatiwo kugara kwavo kuRedcliff kuKwekwe kunokonzerwa nekushaikwa kwedzimba dzinofanira kugarwa nevashandi vakuru vekanzuru asi vachiti zviri kugadziriswa.

Amai Gwatipedza vanoti dai veGweru Residence Forum vaiuya kumisangano inoshevedzerwa, vaiona kuti vanhu vari kufara nezviri kuitwa nekanzuru.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemari mukanzuru yeGweru, Amai Cathrine Mhondiwa, vanoti komiti yavo haizofa yakaremedza vanhu vanoshandisa mari dzekanzuru pazvinhu zvisingabatsiri vagari vemuGweru.

Amai Mhondiwa vanoti mota dzakatengwa ndedzekuti basa remuGweru riitwe nemazvo.

Kanzuru yeGweru yagara iri pakati pemakakatamwa mushure mekubviswa pabasa kwevaimbove meya weguta iri, VaHamutendi Kombayi.

Muna Kukadzi gore rino, gurukota rezvematunhu, VaSavior Kasukuwere, vakadzinga VaKombayi vachivapomera mhosva yekutadza kuita basa pamwe nehuori.

Asi VaKombayi vari kuramba mhosva dzavaipomerwa uye vari kupikisa kudzingwa kwavo basa mumatare edzimhosva.

VaKasukuwere vakazodzosera pabasa mamwe makanzura gumi ayo vakange vambomiswa basa mugore ra 2015.

Kubva ipapo, zvinhu hazvisati zvanyatsokumira zvakanaka.

Meya Chikozho, avo vakapinzwa pachinzvimbo ichi mushure mekudzingwa kwaVaKombayi, vanoti pane makanzura maviri chete vasina kudzoka kubasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG