Accessibility links

Breaking News

Gukurahundi Yokonzera Mutauro Mudare reParamende


Gukurahundi
Gukurahundi

Dare repamende ratanga kuzeya bhiri remutemo weNational Peace and Reconciliation Commission.

Bhiri remutemo uyu rakanangana nekupodza maronda nekuregererana panyaya yeGukurahundi nedzimwe mhirizhonga dzezvematongerwo enyika dzakaitika munyika.

Asi pave kutopera makore mana pasina chabuda kunyange hazvo bumbiro remitemo richiti zvose zvinoda kuitwa zvipetwe mukati memakore gumi.

Mutemo uyu waifanirwa kunge wagadzwa muna 2015, izvo zvinoreva kuti pane kutyorwa kuri kuitwa bumbiro remitemo kuburikidza nekusaritevedzera.

Pave kuitawo kukandirana makobvu nematete pakati penhengo dzedare reparamende dzeZanu-PF neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Nyaya dziri kunetsa dzinosanganisira kuripa vakaponderwa kana kukuvadzirwa hama uye nyaya yekuti vari kupomerwa mhosva voregererwa sei.

Vakawanda mubato reZanu-PF vari kuda kuti nyaya yeGukurahundi isazeyiwe sezvo kuri kuvhura mavanga ange apora.

Asi veMDC vanoti nyaya dzose dzinofanira kuzeyiwa padare vanhu vopihwa mukana wekutaura zvavanofunga nezvavanoda.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika vari gurukota rezvekupodzwa kwemaronda, VaPhelekezela Mphoko, ndivo vari kutungamira chirongwa chekuti mutemo uyu udzikwe.

VaMphoko vakaudza dare reparamende neChitatu pavakatura bhiri iri kuti pane kusanzwisisa pane zvinoda kuitwa, asi vakati zvichazojeka mune remangwana.

Nhengo yeZanu-PF, uye vari sachigaro wekomiti yezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti nyaya yeGukurahundi yakapedzwa nekubatana kweZanu neZapu.

Asi nhengo yeMDC-T inomirira Bulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti nyaya yeGukurahundi inofanira kugadziriswa.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo naVaZiyambi Ziyambi
please wait

No media source currently available

0:00 0:12:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG