Accessibility links

Vakatochwa Vowana Rubatsiro muBudiriro


Some MDC-T supporters currently living in a mountainous area in the Muzarabani communal lands, Mashonaland Central Province. They fled their homes after being intimidated by Zanu PF supporters.

Mumwe murume wemuHarare, VaIgnatius Mhuriro, avo vakambobatwa batwa nemhirizhonga yezvematongerwo enyika, vakavamba sangano rinobatsira vanhu vanowirwa nedambudziko remhirizhonga nekurapwa pamwe nekuti vatange hupenyu hutsva vachiita mabasa akasiyana siyana.

VaMhuriro vanoti vakaumba sangano, reCommunity Development Initiatives Management Association, CODIMUS, mumusha weBudiriro makore matatu apfuura mushure mekuona kutambura kunoita vanhu vanenge vakuvara mumhirizhonga zvikurusei yezvematongerwo enyika.

VaMhuriro vanoti pane vazhinji vairarama nemabasa emaoko vakakuvadzwa zvekuti havachakwanisi kuenderera mberi nemabasa avo.

VaMhuriro, vachishanda nemamwe masangano akazvimirira, vakatobatsira vanhu vane chitsama vakaita saVaChamunorwa Ngamurami avo vakatyorwa ruoko pakuraitidzira kwakaitaika muHarare muna Chikunguru gore rapfuura.

VaNgamurani, avo vairarama nekutema vachitengesa huni, vanoti kukuvara kwavakaita kwave kuvatadiza kuita basa ravo.

VaNgamurani vanotiwo vanotenda nekurapiswa kwavakaitwa neveCODIMUS uye vanoti havana kwavaiwana mari inodarika zviuru zvitatu zvemdhora iyo yaidiwa kuchipatara.

VaEmmanuel Mashava, avo vairarama nekuveza uye vakatyorwawo maoko mumhirizhonga yezvematongerwo enyika, vanoti havachakwanisi kuenderera mberi nebasa ravo.

VaMhuriro vanoti sangano ravo riri kubatsira vanhu vakaita saVaNgamurani naVaMashava kutanga mamwe mabasa matsva sezvo vasisakwanise kuenderera mberi nemabasa avo avaiita vasati vavhiringwa hupenyu hwavo nemhirizhonga.

Vanotiwo zvimwe zvavanoita kushanda nemhuri dzevanhu ava pamwe nevechidiki kuti vasarambe vachishungurudzika sezvo izvi zvichikwanisa kuitika kana vakashanda vari vega.

Vanoti zvimwe zvavanoita kupa rubatsiro rwemari kuti vanhu vatange mabasa ekutengesa nekuita mikando vachiwedzera mari dzemabhizimisi nemisika yavo kuti hupenyu hwavo huenderere mberi zvakanaka mushure mekuvhiringidzwa mumhirizhonga.

VaMhuriro vanoti mumisha inogora veruzhinji hamuna runyararo uye izvi ndizvo zvinoita kuti mhirizhonga iwande munyika zvikuru sei panguva yesarudzo.

Vanotiwo vanoshushikana zvikuru nekuti kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richiti panofanira kuve nekomisheni inooona nezverunyararo, kuregererana nekugarisana zvakanaka munyika, komisheni iyi haisati yavepo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG