Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotenga Gorosi Kubva kuGermany neCanada


Nyika inonzi haichina gorosi rinoikwanira kuti iwanise vanhu chingwa.
Nyika inonzi haichina gorosi rinoikwanira kuti iwanise vanhu chingwa.

Sangano reGrain Millers Association of Zimbabwe rakazivisa kuti riri kuunza gorosi kubva kuCanada neGermany kuitira kuti munyika musashaikwe chingwa sezvo gorosi rave shoma munyika.

Izvi zvinoitika panguva iyo mutemo wechingwa uri kunzi wave kukwira kubva padhora rimwe chete kuenda padhora nemasendi gumi nekuda kwekushaikwa kwegorosi munyika nekukwirawo kwezvimwe zvinodiwa pakugadzirwa kwechingwa.

Sachigaro veGrain Millers Association Zimbabwe, VaTadzwa Musarara, vaudza vatapi venhau nhasi kuti gorosi rave shoma chaizvo munyika uye mamwe makambani anoita zvekugaya gorosi akatomira basa izvo zvakazoita kuti vatenge gorozi kubva kuCananda neGermany.

VaMusarara vatenda banga reReserve Bank nekuvapa chimwe chikamu chemari yekunze kuti vabhadhare gorosi iri uye vati bhanga iri rinotarisirwa kubhadhara mamiriyoni manomwe nezviuru mazana mashanu zvemadhora zvasara kumakambani akavatengesera gorosi aya kuitira kuti richitange kupinda munyika.

Vanoti pane chikepe chine zviuru makumi matatu zvegorosi chakatomira kuBeira uye vachatanga kutakura gorosi iri kana RBZ yabhadhara mari mangwana.

VaMusarara vati kunyange hazvo nyika ichida matani anodarika zviuru makumi matatu egorosi, vari kuunza gorosi shoma rinokwanisa kutakurwa nezvikepe zvinosvika paBeira.

Vatiwo huwandu hwevanhu munyika huri kuramba huchikwira izvi zvinoita kuti chikafu chavanoda kudya chiwande.

VaMusarara vatiwo kunyange nyika ikarima gorosi rakawanda sei, icharamba ichitenga gorosi rekunze sezvo pakubika chingwa pachishandiswa zvikamu makumi matatau kubva muzana zvegorosi remuno chete.

Vati zvimwe zvikamu zvegorosi remuno zvinoshandiswa kugadzira furawa inogadzira mabhisikitis nezvimwe.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zvinokatyamadza kuti nyika inoramba ichiita dambudziko rezvinhu zvakaita segorosi kana chingwa asi iyo hurumende ichagara ichipa vanhu mbeu, zvekurimisa, matarakita nguva nenguva.

Gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, vakaudzawo bepanhau reHerald kutanga kwesvondo rino kuti hurumende ichaedza napose painogona kuona kuti gorosi rekubika chingwa rawanikwa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG