Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambirwa Kusadhinda Mari Itsva Yakawandisa


Hurumende inoyambirwa kuti isadhinda mari yemapepa yakawandisa
Hurumende inoyambirwa kuti isadhinda mari yemapepa yakawandisa

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti danho rebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rekuti riri kuda kudhinda imwe mari yemadhora makumi mashanu yemunyika kana kuti ZW$50, rakanaka chose.

Asi Muzvinafundo Mugano vanoti hurumende haifanire kubva yadhinda mari yakawandisa nekuti zvinogona kukonzera matambudziko ekushaya simba kwemari iyi.

Mumamshoko avo kuvatori venhau, gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vanoti vari kuita izvi senzira yekurerutsira vanhu vave kunetsekana nekufamba nemari yakawandisa kwenguva zhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG