Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuremekedza Zvizvarwa Zvayo Zviri Kunze kweNyika


Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika varikutumira mari yakawanda kumusha
Vana veZimbabwe vari kunze kwenyika varikutumira mari yakawanda kumusha

Nyanzvi munyaya dzemari dzinoti Zimbabwe inofanirwa kubata zvakanaka zvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika sezvo zviri kubatsira zvikuru mukusimudzirwa kwehupfumi kuburikidza nekutumira mari kumusha kwazviri kuita.

Mugore ra 2020, vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vanonzi vakatumira mari inopfuura bhiriyoni rimwe chete nemamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica, (US$1,002 million), zvichienzaniswa nemazana matanhatu nemakumi matatu nematanhatu emamiriyoni emadhora ekuAmerica (US $636 million) akatumirwa muna 2019.

Zimbabwe inonzi ine zvizvarwa zvayo zvinopfuura mamiriyoni mana zvinogara kuSouth Africa, United Kingdom, America ne Australia, nedzimwe nyika.

Vachiparura mwedzi wapera zvirongwa zvemari gore rino, gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vakati mari inobva kuzvizvarwa zveZimbabwe iri kuwanda nepamusoro pekurerutswa kwemitemo inobata kushandiswa kwemari.

Mudzidzisi wezvemabhizimisi paDeVry University kuOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kutumirwa kumusha kuri kuitwa mari nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hakunei nezvematongerwo enyika.

Vanoti mukutumira mari kumusha, zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kubatsira hurumende mukusimudzira hupfumi hwenyika sezvo Zimbabwe iri kutatarika kushandisa zviwanikwa zvayo kuti zvisimudzire hupfumi hwenyika.

Chicherwa che "platinum" ndicho chinowanisa Zimbabwe mari yakawanda chichiteverwa nemari inobva kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

VaMasocha vanoti hurumende inofanirwa kuratidza kufara kwayo nekugara ichitaura nezvizvarwa zvayo zviri kunze kwenyika pamwe nekuumba mitemo inozviremekedza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG