Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kushanda neMasangano Makuru Munyaya yeNhomba yeCovid


Nyika zhinji dzinoda mushonga wenhomba kuti dzirwise Covid-19

Rimwe remasangano anorwira kodzero dzevanhu riri kukurudzira Zimbabwe kuti ipindewo muzvirongwa zvinobatsira nyika dzichiri kubudirira kuti dziwane mushonga wekudzivirira chirwere ichi.

Human Rights Watch inoti Zimbabwe inofanirwa kuita zvinhu yakabatanawo nedzimwe nyika sezvo denda iri risingasarudzi rudzi rwemunhu.

Izvi zvintevera mashoko ari kubuda mumapepanhau ekuti Zimbabwe haisi muzvirongwa zvenhomba zviri kufambiswa nemasangano makuru pasi rose.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaConstantine Chiwenga, apo taenda pamhepo.

Asi mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti masangano akaumbwa neWorld Health Organisation, United Nations uye neAfrican Union anokwanisa kubatsira nyika zhinji mukuwana mishonga iyi pamwe chete nezvimwe zvinodiwa mukurwisa denda iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG