Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa Zvakare Zvichitevera Kutumira Vanhu Vakawandisa kuMakwikwi eNetball World Cup


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Vanhu vakawanda vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vakadomwa kuti vakaperekedze chikwata chenhanbvu yevanhukadzi, cheZimbabwe Netball Team, kumakwikwi emutambo uyu pasi rose ari kuitirwa kuBritain.

Kunyange hazvo huwandu hwemari ichashandiswa nevanhu ava husiri kuzivikanwa, nyanzvi munyaya dzekufamba dzinoti izvi zvichadya zviuru nezviuru zvemadhora sezvo pachida mari dzendege, mari dzekugara mamahotera, mari dzechikafu mazuva ose nezvimwe zvinenge zvichidiwa nevanhu ava.

Kuchema chema uku kunouya panguva iyo vanhu vachiri kutaura zvakaitika kumakwikwi enhabvu yevanhurume muAfrica, yeAfrica Cup of Nations, Afcon, kuEgypt.

Vanhu vakaratidza kusafara nehuwandu hwevanhu vasingatambe bhora vakaendawo kumakwikwi e2019 Afcon panguva iyo Zifa yainetseka kubhadhara mari vatambi vechikwata chemaWarriors.

Vakawanda vanoti hurumende yaifanirwa kunge yakashandisa mari iyi kubhadhara vatambi ava mumakwikwi avo eNetball World Cup.

Vatambi veZimbabwe Netball Team vakambobuda mumapepanhau vasati vaenda kuBritain vachinzi vaishupika sezvo vakange vasingawane rutsigiro rwemari yakakwana kubva kuhurumende.

Mushure mekunzwa mutauro wainge wasimuka zvakare neChishanu, hurumende yakaedza kuda kugadzirisa chimiro chayo ichiti kune vanhu makumi mashanu nevana chete vakaenda kumakwikwi aya kunyange hazvo vatambi chaivo vari makumi maviri chete.

Izvi zvinoreva kuti vanhu makumi matatu nevashanu vanhuwo zvavo vakaperekedza chikwata ichi kuburikidza nemabasa avachange vachiita vari ikoko.

Mashoko akaburitswa nebazi rezvekuburitswa kwemashoko nemusi weChishanu anoti vatambi gumi nevana vakabhadharirwa mari dzavo dzerwendo urwu nehurumende, vamwe vacho vatanhatu vari kubhadharirwa neZimbabwe Netball Association.

Mashoko akaburitswa aya anotiwo pane vakuru vakuru vatanhatu veZimbabwe Netball Association vari kubhadharirwa mari dzerwendo urwu nesangano ravo reZimbabwe Netball Association.

Chikwata chenyanzvi nomwe pamwe nevamiriri vehurumende vana vanonzi vakabhadharirwa mari nehurumende.

Chikwata che Zimbabwe Netball Team chakasvika neChishanu muBritain.

Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Vamwe vasina kudomwa kuti ndivanani vari muchikwata ichi vanosanganisira vatsigiri vechikwata che Zimbabwe Netball Team pamwe nevatori venhau.

Chikwata cheZimbabwe chichange chichitungamirwa naAmai Yeukai Simbanegavi, vanone mutevedzeri wegurukota rezvemitambo.

Mamwe makurukota anonzi ari kuBritain anosanganisira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Prisca Mupfumira pamwe negurukota rezvevanhukadzi, Amai Sithembiso Nyoni.

Information Minister Monica Mutsvangwa
Information Minister Monica Mutsvangwa

Nyanzvi munyaya dzemitambo nemari dzinoti hurumende haifanirwe kunge ichishandisa mari yakawanda yekutakura vanhu kuenda kunze kwenyika, vanodarika huwandu hwevatambi vacho vari kunomirira nyika mumitambo iyi.

Nyanzvi idzi dzinoti kuita kwakadai kunoratidza kuti hurumende haina hany’a nekutambisa mari yenyika panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Studio7 yakundikana kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va Nick Mangwana, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Asi mukuru wezvirongwa musangano re Zimbabwe Network for Social Justice, Va Tendai Rueben Mbofana, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika, hurumende inofanirwa kuongorora zvakadzama kuti vanhu vangani vangaende kunotsigira nekubatsira chikwata chenyika.

VaMbofana vanoti mari iri kushandiswa iyi inobva mumitero iri kubviswa nevanhu, nokudaro, hurumende inofanirwa kukoshesha matambudziko akatarisana nenyika iyo isina mishonga nemafuta edzimotokari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG