Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Kuwedzera maWar Veterans Mari dzeMudyandigere


Zimbabwean War Veterans leader Chris Mutsvangwa (R), arrives at a meeting of the ruling ZANU-PF party in Harare, Nov. 19, 2017.
Zimbabwean War Veterans leader Chris Mutsvangwa (R), arrives at a meeting of the ruling ZANU-PF party in Harare, Nov. 19, 2017.

Hurumende yazivisa kuti ichawedzera mari yemudyandigere yevakarwa hondo yerusunguko pamwe nekuvabhadharira mari kuzvipatara pamwe neparufu.

Hurumende inoti chinangwa chayo ndechekuona kuti vanhu vakarwira rusununguko rwenyika vagara zvakanaka munyika yavakasungura.

Izvi zviri mubhiri riri kuda kuvandudza mitemo inobata vaimbove varwiri verusununguko.

Munyori mubazi rezvekudzivirirwa kwenyika pamwe nevakarwa hondo yerusununguko, Ambassador Mark Grey Marongwe, vazivisa komiti yeparamende inoona nezvemukati nekudzivirirwa kwenyika kuti hurongwa uhwu huri mubhiri rekushandura mutemo weWar Veterans Act iro riri kunyorwa nebazi ravo.

VaMarongwe, avo vaonovewo munhu aive murwiri wehondo yerusunguko vachizivikanwa nerekuti Tichatonga, vati maWar Veterans ari kutambura uye anotarisirwa pasi neveruzhinji izvo zviri kupa kuti bazi ravo ritore matanho ekugadzirisa chimiro chevanhu ava kuitira kuti vakwanise kugarawo zvakanaka.

Vati hurumende iri kuronga kuwedzera mari yemudyandigere yemaWar Veterans kubva pamadhora mazana matatu negumi nemashanu emaRTGS - kusvika pamari inotambirwa nemusoja ane chinzvimbo chameja muchiuto.

Meja muchiuto anotambira mari iri pakati pemazana mashanu nemazana matanhatu emadhora zvichienderana nemakore aanawo ari pachinzvimbo ichi.

Vatiwo vari kuronga kuti maWar Vets avewo neMedical Aid kuti akwanise kurapwa kana achinge aburitsa kadhi rinoratidza kuti aive murwi wehondo yerusununguko.

Asi vati pari zvino vanhu ava vari kurapwa kusvika vapora kana vachinge vapinda muzvipatara zvehurumende.

VaMarongwe, avo vakamboshanda semumwe wevakuru vakuru vezvirongwa zveZBC, vaenderera mberi vachiti vanodawo kuti maWar Veterans achengetedzwe zvakanakwa kana achinge ashaya nekudaro vari kuronga neimwe kambani inoviga vanhu kuti pese panoshaya murwiri wehondo yehondo rerusunguko, achengetedzwa zvine chiremerera.

Vazivisawo kuti pane maWar Veterans ari pakati pemazana mashanu nemazana matanhatu anoshaya gore rega.

Vati pari zvino pane maWar Veterans zviuru makumi matatu nezvishanu munyika.

Vati vamwe vavo vakawanda munyika havana kunyoreswa uye chirongwa chekuita izvi chiri kuenderera mberi nechinangwa chekuti vese vanokodzera vawane mari yemudya ndigere pamwe nekubatsirwa kupinza vana zvikoro.

Vati bazi ravo richapinza basa maDistrict War Veterans Officers makumi matanhatu nematanhatu mumatunhu ese munyika kuti agadzirise nyaya dzavo mumatunhu ese munyika.

Dzimwe nhengo dzekomiti iyi dzakaita saAmai Angeline Chipato vati kunyange hazvo chiri chinhu chakanaka kuchetengedza maWar Veterans, zvakakoshawo kuti hurumende ione zvaingaite pamusoro pana chimbwido nana mujibha avo vavati vakaitawo basa guru.

Asi VaMarongwe vati mutemo uri kutosandurwa kuti vana chimbwido nana mujiba varemekedzewo pamwe nekupihwa mari dzemudyandigere sezviri kuitwa maWar Veterans.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo pasina chakaipa pakuchetenegedza varwi vehondo yerusununguko, vanoona sekuti danho iri riri kuda kutorwa richavhiringa hupfumi sezvakaitika muna 1997.

Vati vanhu havafaniri kuve nemweya wekuda kungomora chete vasingatarisi kuti remangwana renyika richange rakamira sei.

Kuma 80s hurumende yakadzika mitemo yeWar Veterans Act ne War Victims Compensation Fund iyo inosungira kuti vese vakarwira hondo yerusununguko vapihwe mari yemudyandigere pamwe nekubatsirwa panyaya dzehutano nedzidzo.

Muna 1997 sangano rinomirira varwi ava, reZimbabwe Liberation War Veterans Association, rakamanikdza hurumende kuti vapihwe zviuru makumi mashanu zvemadhora pamunhu mumwe izvo zvakadonhedza dhora remunyika nekukanganisa hupfumi wenyika.

Asi VaMarongwe vati rwendo runo havasi kuda kuti hurumende itore danho rinokanganisa hupfumi nekuda kwemaWar Veterans vachiti vachaumbawo Trust ichange ichiita mabhizimisi anotsvaga mari yekubatsira maWar Veterans.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG