Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Huwandu hweVanhu Vakafa Huri Kuramba Huchikwira


Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing
Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing

Hurumende inoti huwandu hwevanhu vakashaya padambudziko redutumupengo reCyclone Idai hwasvika pamazana maviri nemakumi matanhatu nevasere, uye hunotarisirwa kuramba huchikwira sezvo vamwe vanhu vakatsakatika vari kuwanikwa vakafa.

Vachitaura nevatori venhu mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvemadhorobha nematunhu, VaJuly Moyo, vati mabasa ekutsvaga vakashaikwa mushure mekunge misha yavo yakukurwa kana kuputswa nedutumupengo iri ari kuenderera mberi uye nyika yave kubatsirwa neimbwa dzakabva kuSouth Africa.

VaMoyo havana kuda kutaura huwandu hwevanhu vasiri kuwanikwa uye vati hurumende haigoni kutora vanhu ava sevakafa kudzamara yawana pane mitumbi yavo.

Vatiwo hurumende iri kuedza napose painogona kubatsira vanhu vese vakawirwa nedambudziko iri.

Vati hurumende yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwezvikopo kopo zvekutakura rubatsiro kuenda kune dzimwe nzvimbo dzisati dzave kusvikika nemugwagwa.

Vatiwo pane nzvimbo makumi matatu neshanu dziri pazvikoro pane zvipatara pari kupihwa vanhu rubatsiro asi dzimwe nzvimbo idzi hadzisati dzave kusvikika nemigwagwa.

Vati kunyange hazvo vanhu vemuZimbabwe nemasangano epasi rese ange ari kupa rubatsiro, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachaparura chirongwa chekutsvaga rubatsiro zviri pamutemo.

Asi vati havasati vave kuziva kuti panodiwa rubatsiro runokosha mari yakawanda zvakadii zvakadii.

Vati panodiwa rubatsiro runosanganisira kugadzira migwagwa, mvura, kuvaka zvikoro, dzimba, magetsi nezvimwe.

Vatiwo pane vanhu vanodarika zviuru makumi mashanu vanoda rubatsiro rwekuti pfungwa dzavo dzigatsikane mushure mekuvhiringwa neCyclone Idai.

Kusvika pari zvino hurumende yashandisa zana remamiryoni emadhora kubatsira vakawirwa neCyclone Idai uye makambani, vanhu, nemasangano emuno, nenyika dzekunze, vakabvisawo rubatsiro runokosha mamiryoni akawanda emadhora.

Vatiwo hurumende iri kuedza zvese zvainokwanisa kuitira kuti rubatsiro rusvike kwarunofanira kuendeswa.

Zimbabwe yakarohwa nedutumupengo reCyclone Idai iro rakatanga musi wa 14 Kurume, uye rakavhiringawo Mozambique neMalawi.

Vachitaurawo pamusangano uyu, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati dare ramukurukota rashora zviri kuitwa nevamwe vemabhizimisi zvekukwidza mitengo yezvinhu zuva zuva.

Vati dare raita chisungo chekuti mabhizimisi anofanira kukwidza mutengo achitarisa huremu hwemari kwete kutarisa mutengo wemari pamukoto.

Kunyange hazvo hurumende yakasiyanisa hudzamu hwemadhora ekuAmerica pamwe nemaRTGS dollars ikavhura musika wekutengeswa kwemari yekunze mumabhanga, madhora ekuAmerica haasi kuwanikwa mumabhanga uye ari kuramba achiwanikwa pamukoto izvo zviri kukwidza mitengo yezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG