Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa neKurumbidzwa Padanho Rayatora Mukurwisana neMhando yeOmicron


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa

Zvichitevera mashoko ehurumende ichizivisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzoka kumusha, nevabvakure vari kushanya kuZimbabwe, vachavhenekwa panzvimbo yavanosvikira kana vaine chirwere cheCovid-19 uye vachazvibhadharira mari yekuvhenekwa kwavo, imwe nyanzvi mune zvehutano inoti chirwere chinotapuriranwa chinofanirwa kuiswa mumaoko ehurumende, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Richinyora paTwitter paro, bazi rezvekufambiswa kwemashoko rati vose vanosvika munyika vachavhenekwa uye vachagariswa kure nevamwe, kana kuti quarantine, vachizvibhadharira kuvhenekwa nepavanogara kwemasvondo maviri.

Hurumende yati izvi zvichaitwa kumunhu arikupinda muZimbabwe wese kunyangwe akawanikwa asina hutachiona hweCovid-19.

Izvi zvinotevera kuziviswa neSouth Africa kweimwe mhando yeCovid 19 itsva, yeOmicron.

Hurumende inotiwo, senzira yekudzivirira kupararira kwe mhando iyi muZimbabwe, vanhu havabvumidzwi kufamba famba pakati pa9 O’clock manheru na 6 O’clock mangwanani.

Hurumende inotiwo vachabvumidzwa kupinda mumabhawa nemu maNight Club ndeavo vakabaiwa nhomba yeCovid-19.

Vaimbova gurukota rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende yaita zvakanaka mukuratidza chido chekuchengetedza hutano hwevana veZimbabwe kubva kuchirwere ichi, asi vachiti hurumende haifanirwi kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibhadhare mari yekuvhenekwa neyekumbogariswa vari voga, kana kuti ‘quarantine’, sezvo riri basa rehurumende rekubatsira zvizvarwa zvayo panguva yedambudziko rinogona kubata nyika yose, kana kuti ‘national emergency’.

Dr Madzorera vati zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kuvhenekwa pachena uye kuchengetwa mu‘quarantine’ pachena kusvika vawonekwa kuti vane hutano hwakanaka.

Dr Madzorera vashora kuti hurumende inoda kubvumidza vanhu vakabaiwa nhomba kuti vapinde mumabhawa nemu maNight Club, vachiti idzi inzvimbo dzinoparadzira hutachiwana uhu.

Vanoti zvataurwa nehurumende, zvokuti vanhu vanobvumidzwa kuungana vanofanirwa kutevedzera mitemo yakatarwa nesangano reWorld Health Organization (WHO), hazvina maturo nekuti WHO inongobatsira neruzivo asi zviri mumaoko ehurumende dzose dzose kusarudza zvadzinoda kushandisa munyika dzavo.

Dr Madzorera vanoti hurumende haina kutaura pamusoro penzvimbo dzinorapwa vanhu, vachiti izvi zvinoreva kuti mhando yeOmicron iyi ikauya nyika yose haina kugadzirira.

Dr Madzorera vabvuma kuti mitemo yaiswa nehurumende yakanaka asi vachiti inoda kungotsvenenzerwa chete uye vachiti vanofara kuti hurumende haina kuvharisisa mabhodha nenyika dzakapoteredza Zimbabwe sezvo zvisina zvazvinobatsira.

Vati hurumende inofanirwa kusimudzira zvirongwa zvekubaya vanhu nhomba nokuti ndiyo nzira yoga yekurwisa denda iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG