Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yosimbaradza Mitemo yeCovid-19 Lockdown


Amai Monica Mutsvangwa
Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende inoti yadzosa mitemo yose yakashandiswa pakatanga kubuda chirwere cheCovid-19 gore rapera sezvo huwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa pamwe nekufa nechirwere cheCovid 19 huri kuramba huchikwira munyika.

Vachitaura nevatori venhau muHarare mushure memusangano wedare remakurukota ehurumende, gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende yadzosa mirawu yose yekuona kuti vanhu vatevedzera zvose zvinodiwa kuitira kurwisa denda reCovid-19 iro riri kuramba richikura munyika.

Vakati vanobatwa nemhosva yekutyora mitemo yakatanga kushandiswa gore rapera, vacharangwa zvakasimba, uye vane mabhizinesi anotyora mitemo iyi, vachatorerwa marezenisi avo.

Amai Mutsvangwa vakatiwo pane vanhu vari kurwara nechirwere cheCovid-19 mazana matatu nemakumi mashanu nevapfumbamwe vari muzvipatara zvehurumende, avo vari kushandisa zvikamu makumi maviri nechimwe kubva muzana chenzvimbo dzakachengeterwa kuti dzishandiswe nevarwere veCivid-19 muzvipatara zvehuruymende.

Amai Mutsvangwa vakati makurukota ehurumende akatenderera nzvimbo dzakasiyana siyana achiona nzvimbo dziri kusangana nematambudziko anosanganisira zvekushandisa, kushomeka kwevashandi vezvehutano, kushomeka kwemweya unobatsira kufema varwere, kana medical oxygen nezvimwe.

Amai Mutsvangwa vakatiwo dare remakurukota rakurudzira kuti bazi rezvemari riwanise nechimbi chimbi mari inoita mamiriyoni mazana matatu nemakumi matanhatu nemasere kana kuti 368 million RTGS kuti ishandiswe mukuona kuti vanhu vatevedzera mitemo yeLockdown

Asi munyori anoona nezvehutano muMDC Alliance, uye vakambove gurukorta rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Doctor Henry Madzorera, vanoti matambudziko ari kutaurwa nehurumende akagara ariko huye hurumende ingadai yakagadzirisa matambudziko aya.

VaMadzorera vanotiwo vanokatyamadzwa nehuwandu hwevarwere veCovid-19 vanonzi vari muzvipatara vachiti zvimwe zvipatara zvakatozara kare nevarwere ava.

Zvipatara zvehurumende zvakawanda pamwe nedzimwe nzvimbo dziri kuchengeterwa varwere veCovid-19 dzinonzi hadzina mweya wekubatsira kufema, medical oxygen, varwere veCovid-19 vanenge varwarisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG