Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Homwe Inotarisirwa Kubatsira Vashandi Vayo


VaRaymond Majongwe
VaRaymond Majongwe

Hurumende kuburikidza nebazi rezvemari, inonzi yakaisa mari inoita mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emari yemunyika (ZWL$75 million) sembeu yekuparura nayo homwe yevashandi vehurumende yekuchengeta mari, yeGovernment Employees Mutual Savings Fund (GEMS), iyo yakaumbwa muna Kukadzi wegore rapera.

Bazi rePublic Service Commission rakazivisa kuburikidza negwaro rarakaburitsa kuti homwe iyi ichange ichipindwa nevasandi vanoda zvavo, uye mushandi anenge apinda muchirongwa ichi anotarisirwa kunge achizobatirwa zvikamu zviviri nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 2.5 percent zvemuhoro wake pamwedzi kutanga mwedzi uno waMbudzi.

Hurumende inoti chinangwa chehomwe iyi ndechekubatsira vashandi vachiri pamabasa pamwe nevanenge vave pamudyandigere kuburikidza nekukwereta mari yavanozodzora nezvikamu zvakareruka.

Munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti chirongwa ichi chinogona kunge chakanaka chose, asi chinoda kuti pave nekujeka uye kushanda pamwe kwemapoka ose.

Ngatinzweyi vachitaura muhurukuro yavaita naJonga Kandemiiri weStudio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG