Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshorwa Mukuramba Kwayo Ichisunga Vanhu Zvenhando


VaJacob Ngarivhume, mutungamiri we Transform Zimbabwe
VaJacob Ngarivhume, mutungamiri we Transform Zimbabwe

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoshora zvikuru hurumende zvichitevera kusungwa nezuro nemapurisa akange akapakata zvombo kwe mutungamiri webato rinopikisa, reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, nemutori wenhau, Hopewell Chin’ono.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti zvinogumbura zvikuru kuona kuti hurumende haina basa nekodzero dzevanhu.

VaMavhinga vanoti vanhu vazhinji munyika, kusanganisira vana mukoti na vanachiremba, vave kutya kutaura zvinhu zvinovanetsa pamabasa avo, izvo zvinokonzera kuti Mabasa asaitwa zvakanaka.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, havana kudaira runhare rwavo pataedza kuvabata kuti tinzwe divi ravo.

VaMavhinga vanoti kusungwa nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu kuri kusvibisa zita renyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, VaJoey mabenge, vanotsinhira mashoko ataurwa naVaMavhinga, vachiti zviri kuitwa nehurumende handizvo zvanga zvakatarisirwa mu’New Dispensation’ yakavimbiswa pavatora hutungamiri.

VaMabenge vati hurumende ine zvinhu zvizhinji zvayakatarisana nazvo zvinoda kugadziriswa, naizvozvo haingapedzi nguva ichiteerera makuhwa anotauriranwa nevanhu paWhattsApp.

Vati zvaive zvirinani deno hurumende yaitandanisana nekusunga mbavha dzakabira Zimbabwe mari, idzo vanoti dziri kungobudiswa pachena zuva nezuva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG