Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzorumbidza Kuumbwa kweKomisheni Inomirira Kodzero dzeVatengi


Groceries in a supermarket
Groceries in a supermarket

Hurumende inonzi yakaumba komisheni yevanhu vanomwe ichange ichimirira kodzero dzevatengi, ye Consumer Protection Commission, iyo inonzi ichange ichiona kuti vemabhizimusi havasi kutyora kodzero dzevatengi.

Bepanhau reChronicle, rinoti gurukota rezvemaindasitiri nekutengeserana, Doctor Sekai Nzenza, vakazivisa nezvedanho iri, zvichitevera kuziviswa mumazuva mashoma adarika kwemutemo we Consumer Protection Act wa2019, wakaumbwa pasi pemutemo we Public Entities and Corporate Governance Act (Chapter 10:31).Pasi pemutemo mutsva uyu, vemabhizimusi vanotsaudzira mitemo vanonzi vacharangwa kuburikidza nekumiswa pamberi pematare edzimhosva.

Doctor Mthokozisi Nkosi ndivo sachigaro vekomisheni iyi, vachishanda nedzimwe nhengo, dzinoti Amai Rosemary Mpofu, Amai Nomazulu Donga, Doctor Davison Gomo, Muzvare Ethel Hlabangana, VaRainess Chadoka naMuzvare Respina Zinyanduko.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa zvemabhizimusi paDeVry University neMount Vernon Nazarene, pamwe nepaOhio Dominican University, Professor Elliot Masocha, vanoti chinhu chakanaka kuti pave nekomisheni inochengetedza kodzero dzevatengi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG