Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonetseka neKuratidzira kweMDC neChishanu


Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing April 2
Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing April 2

Hurumende iri kushushikana zvikuru nehurongwa hwebato rinopikisa reMDC hwekuratidzira nemusi weChishanu.

Izvi zvabuda pamusangano wedare remakurukota iro raita chisungo chekuti veruzhinji havafaniri kushandiswa nevanhu vanoda kuparadza nyika richiti izvi zvinoita kuti hupenyu hwevanhu hunyanye kuoma.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati zvakakosha kuti munyika muve nerunyararo uye vati vanhu ngavasiyane netsika yemhirizhonga kana kushandiswa nevanhu vanoda kurapadza nyika vachiti hurumende iri kuedza kugadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu munyika.

Vati nekuda kwaizvozvo, vanhu ngavarambe kutambira kurudziro yekupinda mumigwagwa nemusi weChishanu uyewo vati hurumende ichatora matanho ese ainokwanisa kuona kuti munyika maita runyararo.

Pavabvunzwa kuti hurumende ichabvumidza here kuti hurongwa hweMDC huenderere mberi, Amai Mutsvangwa vati bumbiro remitemo yenyika rinobvumidza kuratidzira asi zvakakosha kuti vanenge vachiratidzira vatevedzewo mutemo.

Gurukota rezvemabhizimisi nemaindasitiri, VaMangaliso Ndhlovu, vatiwo zvakakosha kuti vanhu vataurirane pane kuita mhirizhonga vachiti kuratidzira kwakaitwa muna Ndira gore rino kwakakonzera kuparadzwa kwemabhizimisi kunokosha mamiriyoni makumi matatu emadhora ekuAmerica.

Vati svondo rapfuura chairo hurumende yakapa mabhizimisi akaparadzwa mamiriyoni makumi maviri emadhora kuitira kuti akwanise kuenderera mberi nebasa.

Amai Mutsvangwa vatiwo dare remakurukota raudzwawo negurukota rezvemukati menyika, VaCain Mathema, kuti zvinhu zvave kuenda zvichinaka kubazi raRegistrar General iro rave kudhinda mapasipoti mazana masere pazuva kubva pamapasipoti makumi matanhatu pazuva.

Vati zvose zvinodiwa pakugadzira mapasipoti zvakatotengwa munguva pfupi inotevera zvekuti mohofisi aRegistrar General anege ave kudhinda mapasipoti zvuru zvisere pamuzuva.

Vati mahofisi aRegistrar General achashandisawo mahofisi nemichina yeFidelity Printers kubatsira kudhinda mapasipoti kuitira kuti vanhu vese mazana matatu ezviuru vakanyorera kuti vanoda mapasipoti vapihwe mapasipoti avo mukati memazuva makumi mana ari kutevera.

Pari zvino mapasipoti anodhindwa kumahofisi aRegistrar General ari kuJosiah Tongogara Barracks muHarare.

Amai Mutsvangwa vazivisawo kuti zvinhu zvave nani panyaya dzemagetsi mushure mekunge Zimbabwe Electricity Supply Authority yatanga kubhadhara chikwereti chayo kukambani yemagetsi yekuSouth Africa yeEskom.

Kambani yeZESA yazivisawo kuti yarerutsa kudzima kwainoita magetsi kubva paStage 2 kuenda paStage 1.

Gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vazivisawo kuti vave kutaurirana nekambani yemagetsi yekuMozambaque yeHCB nechinangwa chekuti vawane mamwe magetsi kuitira kuti munhu wese awane amagetsi aanoda munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG