Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovandudza Mitemo Kuti Matunhu Awane Imwe yeMari yeZvicherwa Zvawo


Mangoda

Hurumende inoti iri kunyora mitemo mitsva inozoona kuti nzvimbo dzine zvicherwa dzigovane nehurumende mari inobva muzvicherwa zvemunzvimbo idzodzo.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo inoona kuti nzvimbo zhinji dzine zvicherwa hadzina mari yadzinowana saka vanoda kugadzirisa nyaya iyi.

Mukuru weCenter For Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zvingave zvakanaka chose kana hurumende ikaita izvi asi vanotizve matunhu anofanira kupiwa simba rekusarudza zvinoda kuitwa munzvimbo dzawo uye kuti matunhu asarudze vanhu kana makambani anozoita zvemabhizimisi mudunhu iroro.

"Nyaya yekunyorwa kwemitemo iyi yakagara ichitaurwa kubva VaMnangagwa vari gurukota rezvemitemo. Kubva kuna 2006, Zimbabwe yatadza kuti inyore mitemo mitsva yezvezvicherwa. Vanga vachiramba vachingoita zvigamba zvigamba. Saka handizivi kuti vave nemaonero matsva here," VaMaguwu vakaudza Studio 7.

"Chinhu chekutanga chatinoda kuona, kupa matunhu ese masimba ekuzvitonga, kana kuti 'devolution of power'. Dunhu rimwe nerimwe rinofanira kusarudza vanoita bhizimisi mudunhu raro."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG