Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoti Vari Kuenderera Mberi neHurongwa hweKuramwa Mabasa


FILE - Zimbabwe's civil servants carry placards as they march during a protest in the streets of the capital Harare, Feb. 19, 2010.
FILE - Zimbabwe's civil servants carry placards as they march during a protest in the streets of the capital Harare, Feb. 19, 2010.

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, rinoti hapana chabuda muhurukuro dzavaita nehurumende, nokudaro riri kuenderera mberi nehurongwa hwaro hwekuramwa mabasa.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita neChitatu, mutevedzeri wasachigaro weApex, VaThomas Muzondo, vati hapana chabuda muhurukuro dzavo nehurumende.

VaMuzondo vati sevashandi havazooni vaine mhosva mumatanho avachatora nemusi weMuvhuro kana hurumende isina kugadzirisa zvichemo zvavo.

Apex Council yapawo yambiro kuhurumende ichiti vashandi vayo vari kushungurudzwa zvakanyanya.

VaMuzondo vati nhengo dzavo dziri kushungurudzirwa kusakwanisa kuenda kubasa.

Sachigaro weApex Council, Amai Cecelia Alexander, vatsinhirawo nyaya iyi vakati vezvematongerwo enyika ngavasiyane nekushungurudza vashandi vehurumende.

Vashandi vehurumende ava vati vari kushungurudzwa zvakanyanya neZanu PF mumatunhu eManicaland neMashonaland.

Zvichakadaro, munyori mukuru musangano reProgressive Teacher’s Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vati vanodawo kuti hurumende iregedze vatungamiriri veAmalgamated Rural Teacher’s Union of Zimbabwe avo vakasunga mushure mekuratidzira kwakarongwa neZCTU.

Mazuva gumi nemana akapiwa hurumende nevashandi vehurumende vachiizivisa kuti vacharamwa mabasa panopera musi weChishanu.

Vashandi ava vakaramba kutambira mari yavakapiwa nehurumende vachiti ishoma zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG