Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutora Matanho Kuti Igadzirise Zviri Kuvhiringwa neCoronavirus


Economist Prosper Chitambara of the Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe says bond notes are partly to blame for the current economic problems.
Economist Prosper Chitambara of the Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe says bond notes are partly to blame for the current economic problems.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi inoti Zimbabwe inofanirwa kutora matanhu akasimba zvikuru ekuona kuti hupfumi hwenyika hwadzivirirwa kubva kuchirwere cheCoronavirus, kana kuti Covid-19, icho chiri kudhingura misika yemari pasi rose.

Chipangamazano musangano reLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti nyika dzepasi rose dziri kutora matanhu ekutsigira zvirongwa zvehupfumi sezvo Covid-19 yaparadza misika yemari pasi rose.

Doctor Chitambara vanoti Zimbabwe inofanirwa kubvisa mitero yainobatira makambani pamwe neveruzhinji senzira yekuti zvinhu zvirerukire makambani neveruzhinji panguva iyo chirwere ichi chiri kuvhiringa pasi rose.

Mashoko aVaChitambara anouya apo America yakadira mari inosvika trillion imwe chete yemadhora yekutsigira hupfumi kuburikidza nekutsigira makambani pamwe neveruzhinji.

Doctor Chitambara vanotiwo hurumende inofanirwawo kuona kuti yaisa mari mukuwanikwa kwemvura yakachena, pamwe nekugadzirisa kuraswa kwetsvina nenzira dzine hutsanana mukati.

VaChitambara vanoti apo nyika iri kutatarika nekuda kweCovid-19, vanoita mabasa ekutengesa mumigwagwa, pamwe nevanobuda munyika vachinotenga zvinhu zvekuzotengesa munyika, vari kuomerwawo nehupenyu nepamusana pechirwere ichi.

Covid-19, iyo yakatanga muChina gore rapera, yabata vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi masere ezviuru, uye kuuraya vanhi vanosvika zviuru gumi nezviviri, vakawanda vari vekuChina nekuItaly.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG