Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vaviri Vakafa Vaburiswa neChina Mumigodhi kuBattlefields


Zimbabwe Mine Disaster
Zimbabwe Mine Disaster

Mitumbi miviri yevanhu vange vachiri pasi pemigodhi mushure metsaona yakaitika kuKadoma masvondo maviri apfuura, yawanikwa neChina mangwanani mumugodhi we Cricket Mine.

Izvi zvasvitsa vanhu vakafa mutsaona iyi pamakumi maviri nevatanhatu.

Tsaona iyi yakaitika mushure mekunge madhamu ari padyo nepaicherwa goridhe atsemuka, mvura ikapinda mumigodhi umo maive nevanhu.

Vanhu vasere vakakwanisa kubudiswa vari vapenyu. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Pakaitika tsaona iyi, hurumende yakatara tsaona iyi senjodzi huru yawira nyika.

Hurumende yakatiwo ichabatsira mufi wese negumbeze pamwe nemari inoita chiuru chemadhora, kuitira kuti vabatsirike pakuradzikwa kwavo.

Asi munyori weShamva Mine Workers Union, VaPatrick Mugwambi, vaudza Studio 7 kuti zvinorwadza vazhinji vanoshanda mumigodhi kuti hurumende inongoda kutora mari yevanokorokoza asi haidi kupindira ichibatsira neruzivo rwekuti pasaita njodzi.

VaMugwambi vati mari iri kupinzwa munyika nevanokorokoza yakawanda zvikuru nokudaro hurumende inofanirwa kubatsira vanhu ava nekuvachengetedza sezvo munyika mune vanhu vazhinji vanozvishandira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG