Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutengera Zvikoro Mabhuku


ZIBF
ZIBF

Vashandi vemumatura emabhuku vanoti mabhuku ari kuita mashoma munzvimbo dzekuverengera nekuti hurumende haisi kupa zvikoro mari yekutenga mabhuku akakwana munyika.

Vachitaura pamusangano wevanoshanda mumatura emabhuku nyika yose uyo waitirwa kuZimbabwe International Book Fair, ZIBF, muHarare, mushandi mukuru wechikoro chepamusoro cheBindura State University, VaBlessing Chiparaushe, vati dzimba dzekuverengera ishoma munyika uye dzakawanda hadzina mabhuku akakwana.

VaChiparaushe vati mabhuku mashona nekuda kwekuti ari kudhura zvakanyanya.

Mumwe mushandi wepachikoro chekuMazowe, VaTobias Taruvinga, vati vadzidzi vekumaruva havana mabhuku ekuverenga munzvimbo dzekuverengera.

VaTaruvinga vati vanoshanda munzvimbo dzekuverengera vanotarisirwa pasi muzvikoro uye mabhuku anoiswa kuti vana vaverenge ave akudhara.

Mumwe mushandi, VaTinashe Ndayera, vati vashandi vemunzvimbo dzekuverengera vanofanirwa kunge vari ivo vanotenga mabhuku epachikoro kwete kungopihwa mabhuku asina zvaanoyamura vadzidzi nevanhu vemunharaunda.

Muzvari Alice Parakokwa vatiwo hurumende haikoshese nzvimbo dzekuverengera sezvo zvikoro zvakawanda zvisina nzvimbo dzekuverengera idzi.

Vakawanda vapinda musangano uyu vati nzvimbo dzekuverengera dzikawanda dziine mabhuku akakwana, zvinodyara chishuwo chekuverenga icho chave chishoma muvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG