Accessibility links

Breaking News

Magweta Okurudzira Kuferefetwa Zvakadzama Nyaya Iri Kupomerwa Amai Auxilia Mnangagwa


Amai Auxilia Mnangagwa
Amai Auxilia Mnangagwa

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende inofanirwa kuferefeta nyaya iri kupomerwa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Auxilia Mnangagwa, avo vari vanonzi nemagwaro ari mumapepa ari mumatare, ndivo muridzi wegoridhe rakawanikwa riina Muzvare Henrietta Rushwaya, apo vakasungwa vachida kuenda naro kuDubai zvisiri pamutemo.

Goridhe iri rinorema makirogiramu matanhatu uye rikatengeswa raiburitsa mari inodarika zviuru mazana matatu nemakumi matanhatu emadhora ekuAmerica.

Mumwe wevasungwa munyaya iyi, Va Gift Karanda, vakaudza mapurisa kuti goridhe raiva naMuzvare Rushwaya, raive raAmai Mnangagwa.

Vakasungwa nenyaya iyi kusvika pari zvino vanosanganisira vasori vaviri, VaStephen Chenjerai Tserayi naVaRaphios Mufandauya, uye mapurisa maviri, Detective Chief Inspector Paul Chimhungu pamwe naSuperintendent Douglas Shoko, uye namuzvinabhizinesi, VaAli Mohamad, avo vanova muridzi wekambani yeAli Japan 786.

Vose vasungwa ava vachiri muhusungwa uye nyaya yavo inotarisirwa kupinda mudare zvakare neMuvhuro

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Sudio7 kuti vanga vakabatikana kuti vataure nezvenyaya iyi vakati tivafonere mushure memaminetsi makumi matatu.

Asi pavafonerwa mushure menguva iyi, nharembozha yavo yanga yava kunetsa kubata.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa zvakadzama.

VaMavhinga vanotiwo VaMnangagwa vanofanirwa kubuda pachena vachikurudzira kuti mudzimai wavo aferefetwe, kuitira kuti vanoferefeta nyaya dzakadai, vaite basa ravo vasingatye kuzodzingwa basa.

VaMavhinga vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa vabudire nyika pachena kuitira kuti nyika izive kuti vanoda kuti nyaya iyi iferefetwe pajekerere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG