Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kukoshesha Bazi reHutano


Parirenyatwa Hospital Ventilators1
Parirenyatwa Hospital Ventilators1

Sangano revakoti re Zimbabwe Nurses Association, riri kukurudzira hurumende kuti iise zvikwanisiro muzvipatara zvayo, kuitira kuti vana chiremba nevakoti, vakwanise kuita basa ravo nemazvo sezvo zvipatara zvehurumende zviri kuwandirwa nevarwere veCovid-19.

Mashoko ari kuburitswa nemasangano enhau anoti zvipatara zvehurumende zvine mavhindereta makumi masere nemana ari kunyatsoshanda zvakanaka, uye pane mibhedha chiuru nemakumi mana nemipfumbamwe inonzi yakaiswa parutivi kuti ishandiswe nevarwere veCovid-19 munyika yose.

Zimbabwe, iyo ine vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nemashanu, ine vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 vanosvika chiuru nezana nemakumi manomwe nevasere zvichivera kushaya kwevanhu gumi nevasere nemusi weChishanu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvehutano, sezvo mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr John Mangwiro, vanga vasiri kubatika panhare mbozha yavo.

Asi mutungamiri weZimbabwe Nurses Association, Va Enoch Dongo, vanoti vakoti vari kumanikidzwa kushanda vakapfeka masiki imwe chete zuva rose izvo zviri kuisa hupenyu hwavo nevarwere panjodzi.

VaDongo vanoti hurumende inofanirwa kumboisa zvimwe zvirongwa zvayo parutivi yokoshesa dambudziko reCovid-19 kuitira kuti pave nemari yakakwana yekutenga zvikwanisiro zvinosanganisira mamasiki, ventilators kuti zvinge zviri muzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG