Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Inomanikidza Vanhu Kubaiwa Nhomba yeCovid-19


Hon Ruth Labode
Hon Ruth Labode

Sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Dr Ruth Labode, vanoti hurumende inofanirwa kushandisa nzira dzose dzainokwanisa, kusanganisira kudzika mitemo inosungira kuti munhu wese abaiwe nhomba yekudzvirira denda reCovid-19 iro radzika midzi munyika.

Mumashoko avo kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube,mushure mekunge VaNcube vazivisa mafambiro aita bhajeti regore rino kusvika pakati pegore kana kuti Mid Term Budget Review, Dr Labode vanoti nhomba dzapinda munyika pari zvino dzinoita kuti vanhu mamiriyoni matatu vabaiwa nhomba mbiri dzekudzivirira Covid-19.

Dr Labode vanoti nekuda kwaIzvozvo hurumende inofanirWa kushandisa nzira dzose dzaiNOkwanisa, kusanganisira kumanikidza vanhu kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira Covid-19.

Dr Labode vanotiwo Covid-19 yaunza hurombo hwakanyanya munyika uye hurumende inofanirwa kumbomisa kubhadharisa vanhu muzvipatara zvayo nemamakanzuru zvisinei kuti munhu ane Covid-19 here kana kuti kwete.

Gwaro richangobva kuburitswa neWorld Bank rinoratidza kuti vanhu mamiriyoni manomwe nezviuru mazana masere vari kurarama muhurombo hunotyisa nekuda kwedenda reCovid-19.

Munyori musangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association for Doctors for Human Rights, Dr Norman Matara, vanoti sesangano havabvumirani nenyaya yekuti vanhu vamanikidzwe kubaiwa nhomba vachiti izvi zvinofanira kuitwa chete sedanho rekupedzesera.

Makambani akawanda munyika kusanganisira hurumende, ave kutomanikidza vanhu kubaiwa nekuomesera vaye vasina kubaiwa izvo zvave kuita kuti munhu wese aende kunobaiwa nhomba.

Dr Matara vati Covid-19 iri kufamba nenzira dzinotyisa zvekuti kunyange munhu aine kodzero yekuramba kubaiwa, kodzero iyi inogona kuzopinza vamwe munjodzi.

Nyika dzakawanda pasi rose dziri kuongorora mitemo yadzo dziine chinangwa chekumanikidza munhu wese kubaiwa nhomba senzira yekudzivirira zvachose chirwere ichi.

Bazi rezvemitemo muAmerica, re Department of Justice, rakaita ongororo yemitemo rikabuda nechisungo charakapa muzinda weWhite House kuti hapana mutemo unorambidza hurumende kana makambani kubuda nezvisungo zvinoita kuti vanhu vasatapurirane zvirwere apo vanenge vari pabasa.

Pane tsvakiridzo dziri kuitwawo nenyika dzakabudirira dzekupedza zvachose denda reCovid-19, dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzichikurudzira kuti vanhu vabayiwe nhomba katatu sezvo vanhu vakabayiwa nhomba kaviri vari kubatwa zvakasimba nehirwere ichi.

Zim,babwe inoti ine chinangwa chekubaya vanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vese munyika senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

VaNcube vakaudza paramende nezuro kuti mwedzi unouya kuchauya dzimwe nhomba mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu uye dzimwe mamiriyoni maviri nezviuru mazana mashanu dzichauya muna Gunyana.

Mune imweo nyaya kambani yeOld Mutual inoti homwe yekusimbudzira vechidiki yeKurera-Ukondla Youth iyo yainge yambomiswa ichatanga zvakare munguva pfupi inotevera pasi pehurongwa hutsva.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvevechidiki, mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muOld Mutual, VaIsaih Mashinya, vati homwe iyi yakamiswa muna 2014 sezvo yainge isiri kufamba sezvainge zvakatarisirwa.

Homwe iyi yakaumbwa muna 2011 iine mamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica uye payakamiswa vechidiki vainge vaine zvikwereti zvemamiriyoni mana nezviuru mazana mana zvemadhora ekuAmerica.

Asi vati zvichitevera danho rekumisa kushanda kwehomwe iyi pakati pekambani yavo nebazi rezvechidiki, vakabvumirana kuparadza komiti kana kuti Trust yafambisa homwe iyi kuitira kuti vatange patsva izvo zvavave kuita pari zvino.

Vati Trust ine nhengo dzeOld Mutual nebazi revechidiki yakatoumbwa uye basa rayo radzorerwa mushaure nedenda reCovid-19.

VaMashinya vati bhanga ravo reCABS ndiro richaramba richipa zvikwereti kune vechidiki asi rwendo runo zvikwereti izvi zvichange zvave mumaRTGs.

Payatanga homwe yeKurera-Ukondla yaipa vechidiki zvikwereti zvinotangira pamadhora mazana mashanu kusvika pazviuru mazana mashanu zvemadhora ekuAmerica.

VaMashinya vati Trust yakaumbwa kumutsiridza homwe iyi ndiyo ichagara pasi yoona kuti homwe iyi ichange iine marii pamwe nekuti vanhu vangapihwa zvikwereti zvakakura sei.

Mukuru wesangano revechidiki reZimbabwe Youth Forum, VaAshton Bumhira, vuadza Studio7 kuti vanotarisira kuti homwe iyi ichapa mukana kune vechidiki mumatunhu ese munyika kuitira kuti vatange mabhizimizi.

Pakamiswa homwe iyi vechidiki zviuru makumi maviri nezveviri ndivo vainge vanyorera kuCABS vachida zvikwereti asi vakabudirira vaive zviuru zvitatu nemazana matanhatu nemakumi matatu.

Pavanhu ava zvikamu makumi matanhatu nezvinomwe kubva muzana vaive varume zvikamu makumi matatu nezvitatu vari vakadzi.

Vazhinji vevanhu ava vaive vemuHarare, ichiteverwa neBulawayo uye Matabeleland South ndiyo ine vanhu vashoma vakabatsirikana pasi pehomwe iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG