Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokurudzirwa Kutsigira, Kusimbaradza Mari Itsva


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, razivisa kuti richadhinda mari itsva ichange ichishandiswa mumabhanga serimwe rematanho ariri kutora mukugadzirisa nyaya yekushomeka kwemari munyika, pamwe nekugadzirisa zvinhu mumabhanga nemisika yemari munyika.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vanodzidzisa zvemabhizimusi paDevry University ku Ohio, vanoti vanhu vanoda mari yavanoshandisa, naizvozvo danho ratorwa neReserve Bank of Zimbabwe idanho rakanaka kana hurumende ikatevedzera mitemo nemirairo yezvehupfumi hwenyika inotevedzwa nenyika dzepasi pose, kwete zvokuzoramba ichidhinda mari pavanenge vazvifunga.

Muzvinafundo Masocha vati hurumende inofanirwa kuratidza vanhu kuti inovimbika kwete kudhinda mari nguva dzese zvinozokonzera kuti mari yacho ishaye huremerera.

"Vanhu vanoda kuona mari yavo mumavoko kwete kuudzwa kuti iri mukati mefoni yavanoshandisa, saka kana hurumende ikaunza mari iyi vanhu vangafara nekuti zvema RTGS hazvisi zvinovafadza.

Asi hurumende inosungirwavo kuchengetedza chiremera chemari iyi nekurega zvekuzodhindadhinda mari sezvayaimboita makore apfuura," Professor Masocha vaudza Studio 7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG