Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutenga Nhomba Dzakawanda dzeCovid-19


Zinbabweans wait in a long line to be vaccinated
Zinbabweans wait in a long line to be vaccinated

Dzimwe nyanzvi dzezvehutano dziri kukurudzira hurumende kuti itenge nhomba dzeCovid-19 dzakawanda nguva imwechete kuitira kuti vanhu vakawanda vabaiwe nyika ikwanise kukurumidza kusvika pahuwandu hunoratisirwa kuti chirwere ichi chisaramba chichipararira zvakanyanya.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa huye vari munyori anoona nezvehutano mubato reMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vanoti kurudziro yavo ndeyekuti hurumende itenge mishonga yenhomba dzeCovid-19 yakawanda kuitira kuti munhu wese abaiwe.

Nyanzvi mune zvehutano vachitungamira sangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vatiwo zvakakosha kuti mishonga yenhomba idzi iwanikwe nguva dzese vachiti izvi ndozvinobatsira kuti nyika ikurumidze kusvitsa zvikamu zvinodiwa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudzaStudio 7 kuti kusvika pari zvino nyika yatambira nhomba dzeCovid-19 dzinodarika mamiriyoni matanhatu. VaMujiri vati hurumende yakazvipira kuwanisa nhomba yeCovid-19 kusvika huwandu hwevanofanirwa kubaiwa hwakwana.

Vachibvunzwa kuti sei hurumende isiri kupinza mishonga yakawanda nguva imwechete, VaMujiri vati tibate gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo tatadza kubata panharembozha yavo.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekumisa kupararira kwechirwere ichi.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti Covid-19 yakauraya vanhu makumi maviri nevapfumbamwe, uye vanhu mazana mana nemakumi mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose vava zana nemakumi maviriezviuru nemazana mashanu makumi matatunevaviri (120 532), uye vafa nechirwere ichi vava zviuru zvinanezana nemakumi matatu nevasere, (4 138).

Vanhu vabaiwa nhomba yekutanga munyika yese vave pamamiriyoni mavirinezvuru makumi mapfumbamwe nechimwe nemazana mashanu nemakumi mashanu(2 091550).

Vabaiwa nhomba yepiri vave miriyoni nezvuru mazana mavirinemakumi mashanunezvina nemazana maviri nevatanhatu(1 254 206).

Huwandu uhu nhunotarisirwa kukwira apo hurumende ichazivisa zvayawana nhasi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG