Accessibility links

Breaking News

Hurumende yaVaMnangagwa Yoferefeta Kanzuru yeMarondera


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa inoti ichokwadi kuti yakaumba komiti ichaferefeta mashandiro ari kuita kanzuru yeMarondera.

Mutevedzeri wegurukota rezvekongwa kwematunhu, Amai Marian Chombo, vanoti vakaumba komiti iyi mushure mekunge vatambira gwaro renyunyuto rakabva kuvagari vemuguta reMarondera.

Amai Chombo vanoti havakwanisi kuzivisa veruzhinji vari mukomiti iyi, sezvo isati yagadzwa zviri pamutemo kunyange hazvo patove nevanhu vakadomwa kunge vari mukomiti iyi.

Asi vanoti veruzhinji, kusanganisirawo kanzuru yeMarondera, vachaziviswa kana vapedza kutara hurongwa hwechikwata chichaferefeta kanzuru yeMarondera.

Amai Chombo vanoti vagari vekuMarondera havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa mari dzavanobhadhara kukanzuru, izvo vari kuda kuti zviferefetwe.

"Ma residents ekuMarondera ndiwo vakanyora petition vachiti vane kunyunyuta nezvavasiri kufara nazvo zviri kuitwa mukanzuru," Amai Chombo vanotsanangura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Meya weMarondera, VaChengetai Murova, havana kubatika kuti tinzwe divi sezvo vanga vari mumusangano wedunhu reMarondera uyo vati wanga uchizeya nyaya dzinobata kanzuru yeguta ravo, kusanganisirawo hurongwa hwehurumende hwekuda kuferefeta kanzuru yavo.

Munyori wezvekutongwa kwematunhu muMDC, Engineer Elias Mudzuri, vanoti hurumende haisati yavazivisa nezvekuda kwayo kuferefeta kanzuru iri pasi peMDC.

VaMudzuri vanoti havana chivimbo chekuti hurumende iri kuita izvi mune rakanaka sezvo iri garoziva kuti hurumende yeZanu PF yagara ichibvongodza pamwe nekupindira mumashandiro akanaka anenge achiitwa nebato ravo.

VaMudzuri, avo vakava meya weMDC wekutanga muguta reHarare, vanoti kana hurumende iri kufungidzira kuti makanzuru eMDC ari kuita zvehuori, inofanirwa kusiya Zimbabwe Anti Corruption Commission, Zaac, ichaita basa rayo rekuferefeta huroyi pamwe nekusunga vanenge vabatwa nemhosva.

“Zaac ndizvo yakaummbirwa kuti isunge vanoita zvehuori, saka handioni chinangwa chekuumbira komiti yekuti iferefete kanzuru iri pasi peMDC. Hazviratidzi zvakanaka kuti rimwe bato riti riri kuongorora rimwe bato,” vadaro VaMudzuri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Munguva yaitongwa nyika namuchakabvu Robert Mugabe, hurumende yavo yapindira mumashandiro emakanzuru ose aive pasi peMDC achipomera makanzuru aya nyaya dzekuita zvehuori, ichizopedzisira yadoma makomisheni ekufambisa mabasa emakanzuru aya kusvika temu yemakanzuru aya yapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG