Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotora Matanho Kudzivirira Kupinda kweCoronavirus Munyika


Zimbabwe's new health minister, Obadiah Moyo, telling reporters cholera that poor water supply, blocked sewers, and a failure to collect waste were making a cholera outbreak in the capital, Sept. 11, 2018.

Hurumende inoti iri kutora matanho ese ainokwanisa kudzivirira kuti vanhu vasabatwe nehutachiwana hweCoronavirus uye vanhu vese vanobva kunyika dzine hutachiwana uhwu, vave kusungugirwa kuuya nemagwaro anoratidza kuti havana hutachiwana uhwu.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, vati vanouya vasina magwaro aya vacharambidzwa kupinda munyika.

Kusvika musi wa1 Kurume, Zimbabwe yange yaongorora vanhu vanodarika zviuru zvitanhatu vakawonekwa vasina hutachiwana hweCoronavirus uye ongororo iyi iri kuramba ichitwa panhandare dzese dzendenge munyika pamwe nedzimwe nzvimbo dzekupinda nadzo munyika.

VaMoyo vazivisawo kuti pane chizvarwa chekuZimbabwe chaibva kuBahrain nechimwe chekuChina vakaongororwa pachipatara cheWilkins vakawanikwa vasina hutachiwana uhwu.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru runopikisa munyika, VaLuke Tamborinyoka, vati kunyange hazvo zvakakosha kuti vanhu vane hutachiwana uhwu vasapinde munyika, hurumende inofanira kusimudzira mabasa ehutano munyika kuitira kuti ikwanise kuongorora zvirwere zvese.

Mune imwe nyaya, gurukota rinoona nezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati majeri emunyika akazarisa uye hurumende iri kuronga kuburitsa vamwe vasungwa mumajeri.

Vati pari zvino vave kurongwa kuti vasungwa voburitswa ndevapi.

Majeri emuZimbabwe ane vasungwa zviuru makumu maviri nezviviri asi iwo akagadzirirwa kuchengeta vasungwa zviuru gumi nezvinomwe chete.

VaZiyambi vati vanoda kuti majeri asare aine vasungwa zviuru gumi nezvitanhatu.

Muneimwewo nyaya vakasanobatachinzvimbo chegurukota remutambo, VaKazembe Kazembe, vatiwo hurumende iri kuedza pese painogona napo kugadzirisa nhandare dzeNational Sports Stadium neBarbourfields kuitira kuti Zimbabwe ikwanise kutamba mutambo wayo CAF neAlgeria munyika.

Nhandare idzi dzakanzi neCAF hadzikodzeri kutambira mitambo yeCAF sezvo dzisina zvimwe zvinhu zvinodiwa mazuvano.

VaKazembe vati kana vakapedza kugadzirisa National Sports Stadium neBarbourfields, vachakumbira CAF kuti mutambo weZimbabwe neAlgeria musi wa29 Kurume utambirwe munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG