Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yombomira Kupa Magwaro Ekurima Mbanje


l

Mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi, VaTerrance Mukupe, vanoti hurumende yambomira kupa vanhu marenzenise ekurima mbanje nokuti vanhu vanyorera kuti vanoda marezenisi aya vawandisa.

VaMukupe vativo hurumende inoda nguva yekumbotura mafemo ichiona kuti hurongwa uhu hungafambiswa sei.

"Tanga tisingatarisiri kuti kuchaita vanhu vakawanda kudaro vanoda marezenisi nekuti vanhu vauya vapfuura mazana matatu vanoda marezenisi. Saka unoona kuti kana wange uchida kupa vanhu vashanu chete, unozosarudza sei pasingaitwe huori," VaMukupe vakaudza Studio 7.

Vanoenderera mberi vachiti, "Saka tirikunyatsotarisa kuti tozviita sei. Tinofanira kunyatso kunzwisisa kuti chinofanirwa kuitwa chii uye tinozviita sei. Uyezve tinofanira kuronga kuti kunorimirwa kwacho ndekupi uye kuti kune masoja here anochengeta."

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG