Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neBotswana Dzoita Misangano muGaborone


VaEmmerson Mnangagwa naVaIan Khama
VaEmmerson Mnangagwa naVaIan Khama

Mutungamiriri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vari kuenda Botswana uko vakakokwa nemutungamiri wenyika iyi, Va Ian Khama, kumisangano ichapindwa nenyika mbiri idzi.

Botswana inoti yakoka VaMnangagwa nevamwe vavo muhurumende kumisangano ichaitirwa muGaborone kwemazuva maviri.

Misangano ichapindwa naVaMnangagwa ichatanga neMuvhuro uye iine chinangwa chekutsvaga nzira dzekusimbaradza hukama hweBotswana neZimbabwe munyaya dzehupfumi pamwe nezvematongerwo enyika.

Mutauriri waVaKhama, VaJeff Ramsey, vanoti ichokwadi kuti Botswana yakakoka Zimbabwe kumisangano iyi. Vatiwo mamwe makurukota emuZimbabwe atove muBotswana izvo.

VaRamsey vatiwo pane nyanzvi munyaya dzakasiyana siyana dzatovewo muBotswana, idzo dziri kupinda misangano iri kuitwa pamberi pemisangano mikuru ichaitwa neMuvhuro neChipiri.

VaRamsey vati Zimbabwe neBotswana dzange dziine hukama husina kunyatsoti tsvikiti sezvo dzimwe nguva nyika mbiri idzi dzaipokana zviri pachena.

Botswana inoti yaona zvakakosha kuti iumbe hukama hwayo neZimbabwe sezvo munyika iyi mava nemutungamiri mutsva, kunyange hazvo bato riri kutonga richiri rimwe chete raitonga pasi paVaRobert Mugabe.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari mukuru weLabor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaGodfrey Kanyenze, vanoti misangano iri kuitwa pakati peZimbabwe neBotswana yakanaka chose sezvo panga pasina hukama hwakanaka pakati paVaMugabe naVaKhama.

"Rwendo uru rwakanaka zvikuru tichitarisa kuti Botswana ne Zimbabwe dzine hukama hunobva kare asi hangwe hwave kuda kugadziriswa kubva mutungamiri weBotswana VaKhama zvavakanga vasingawiriarane nemutungamiri weZimbabwe akasiya basa, Va Robert Mugabe," vadaro VaKanyenze.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dziri kutarisira zvichabuda kumisangano iyi sezvo Zimbabwe iri mubishi rekuedza kusimudzira hupfumi hwayo kuitira kuti ikwanise kubhadhara zvikwereti zvainazvo kumasangano anokweretesa mari akaita seWorld Bank, International Monetary Fund, African Development Bank, nemamwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG