Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshushikana Zvikuru neMashoko Ari Kubuda Zvichitevera Kusungwa kwaChin'ono naVaNgarivhume?


Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing
Information Minister Monica Mutsvangwa At Ministerial Briefing

Hurumende yaramba kuti mutori wenhau, Hopewell Chin'ono, nemutungamiri weTranform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vakasungirwa nyaya dzekuburitsa huwori huri kuitika muhurumende sezviri kuburitswa nemamwe masangano enhau, ichiti vaviri ava vakasungirwa nyaya dzekuronga kubvisa hurumende nemhirizhonga vachibatsirwa nenyika dzakaita seAmerica.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica, Mutsvangwa, vaudza vatori muHarare kuti hurumende iri kushushikana kuti pane manyepo ari kutaurwa munyika nekunze kuti Chin’ono naVaNgarivhume vakapambwa asi ivo vakasungirwa nyaya yekupesvedzera vanhu kuti vabvise hurumende pachishandiswa mhirizhonga.

Munyori mubazi raAmai Mutsvangwa, VaNick Mangwana, vatsinhira mashoko aAmai Mutsvangwa vachiti vaviri ava vakakurudzira kubviswa kwehurumende yakasarudzwa neveruzhinji.

Amai Mutsvangwa vati pane vatori venhau nemapepanhau akawanda akanyora nyaya dzehuori munyika asi hapana kana mumwe chete akasungirwa kuita izvi.

Vati kunyange Chin’ono paakanyora nyaya yeDrax International, hurumende yange yave kutoongorora nyaya iyi mushure mekunge yanyorwawo nevamwe vatapi venhau.

Asi vati chinoshamisa panyaya yaChin’ono kupindira kuri kuita nyika dzekunze kusanganisira America.

Amai Mutsvangwa vati chinguvana mapurisa asvika pamba paChin’ono kuti amusunge, vashandi vepamuzinda weAmerica muHarare nedzimwe nyika, vakange vatosvikawo pamba apa vachitaura manyepo pamadandemutande akaita seTwitter vachikanganisa mapurisa kuita basa rawo.

Amai Mutsvangwa vati kupindira kuri kuita America munyaya dzemuno kunoratidza kuti hairemekedzi dzimwe nyika dzakaita seZimbabwe uye zvakakosha kuti imbosiya Zimbabwe ichiita mabasa ayo ekuvandudza hupfumi, kurwisana nehuwori pamwe neCovid-19.

Vati vanhu vakaita saChin’ono vanhu vasingade kuwona Zimbabwe ichibudirira.

Muzinda weAmerica muZimbabwe wati hauna zvauri kuzotaura pamusoro pemashoko Amai Mutsvangwa.

Mutauriri webato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance, Advocate Fadziyi Mahere, vaudza Studio 7 kuti hurumende yeZimbabwe inofanira kutevedza bumbiro remitemo yenyika nekodzero dzevanhu kuti isashorwe nedzimwe nyika pamwe nemasangano akaita seUnited Nations.

Achitaura pane chimwe chirongwa chinoitwa nemuridzi wekambani yeAMH, Trevor Ncube, munguva pfupi yapfuura, Chin’ono akati ainge apihwa basa rekushanda nebazi rezvekuburitswa kwemashoko pamwe nemakambani ari pasi pekambi iyi akariramba izvo zvinofungidzirwa kuti ndoosaka ari kushungurudzwa.

Asi Amai Mutsvangwa vati hurumende yaVaMnangagwa inotaura nezvizvarwa zvese zvemuZimbabwe pamwe nekutsvaga hunyanzvi kuti nyika ingafambira sei mberi uye izvi zvinosanganisira vanhu vakaita saChin’ono.

Asi varamba kuti vakamupa basa akaramba.

Chin’ono naVaNgarivhume vakasungwa nemusi weMuvhuro vakamiswa pamberi pedare ramajisitiereti apo vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Nyaya yaChin’ono ichaenderera mberi musi wa7 Nyamavhuvhu, ukuwo VaNgarivhume vachande vari mudare musi wa 14 Nyamavhuvhu.

Studio7 haina kukwanisa kubata magweta ari kumirira Chin’ono naVaNgarivhume, kuti tinzwewo divi rawo pane zvataurwa naAmai Mutsvangwa.

Magweta evaviri ava akati achapikisa mudare repamusoro kunyimwa kwavakaitwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti hurumende inofanirwa kungwarira mashoko ayo ekupumha dzimwe nyika isina humbowo.

Nyanzvi idzi dzinoti kuita kwakadai kunovhiringa hukama hwakanaka pakati peZimbabwe nenyika dzekunze idzo dziri kubatsira Zimbabwe munyaya dzakawanda.

Mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti Amai Mutsvangwa vanofanirwa kumira pachokwadi, kwete kuswera vachinyepera dzimwe nyika kuti dziri kushanda nevanhu vemuZimbabwe kuitira kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa, ibviswe zvisiri pamutemo.

VaMbofana vanoti matauriro akadai angova muriro weZanu PF iyo inoti kana yatadza kutevedzera mitemo yayo inopedzisira yopumha vekunze huori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG