Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Iri Kugutsikana neChirongwa Chayo Chakangana neKubaya Nhomba yeCovid-19 Vanhu Mamiriyoni Gumi


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Men
Victoria Falls Covid-19 Vaccination Men

Bazi rezvehutano rinoti hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 huri kufamba zvakanaka chose munyika asi dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzichiti pane zvimwe zvakawanda zvinoda kugadziriswa.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio7 kuti chirongwa chekubaya vanhu nhomba chiri kufamba mugwara rakanaka, uye vanotarissira kuti hurumende ichagona kuzadzikisa shuviro yekubaya nhomba yeCovid-19 zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu munyika yose.

VaMujiri vatiwo mangwana hurumende iri kutambira nhomba dzeCovid-19 mamiriyoni maviri dzakatengwa kuChina.

Mutungamiri wesangano rinomirira machiremba anoshanda akazvimirira, Dr Johannes Marisa, vatsigirawo kuti chirongwa chekubaya nhomba chiri kufamba zvakanaka kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dzemuAfrica.

VaMarisa varumbidzawo danho rakatorwa nehurumende rekuti zvipatara, nemakirinika akazvimirira zvitange kubayawo nhomba yeCovid-19.

Asi VaMarisa vatiwo vana chiremba vakazvimiririra ava vanoda kubatsirwawo nemabhokisi anochengeta chando sezvo nhomba idzi dzine matemperature adzinofanirwa kugara dziri.

Asi vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati chirongwa ichi hachisati chanyatsopinda mugwara. VaMadzorera vati hurumende inofanirwa kusimba mukupinza nhomba munyika kuitirakuti ikwanise kubaya nhomba vanhu zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

VaMadzorera vatiwo kune dzimwe nzvimbo dzichiri kuita mitsetse mirefu yevanhu vanenge vachida kubayiwa nhomba yeCovid-19

Hurumende yakazivisa nezuro kutivanhu mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevatatu vakabatwa nechirwere ichi, izvo zvakasvitsahuwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 pazviuru zana negumi nezvina nemazana mana nemakumi masere nevapfumbamwe,kana kuti 114,489.

Vanhu makumi mana nevatatu vakafa nechirwere ichi nezuro izvo zvakasiya vanhu vafa nechirwere ichi vave zviuru zvitatu nemazana manomwe nemakumi mashanu nevana 3,754

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe nemakumi mmasere nemazana mashanu nemakumi mana nemumwe chete 1, 780, 541vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19.

Vabayiwa nhomba yepiri vave maza mapfumbamwe nemakumi maviri ezviuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nevana,kana kuti 920,554.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi. kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuitira kuti chirwere ichi chisarambe hichpararira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG