Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haisati Yapa Mvumo Zvikoro Kuti Zvikwidze Mari dzeDzidzo


 ZINASU PRESIDENT TAKUDZWA NGDZIORE1
ZINASU PRESIDENT TAKUDZWA NGDZIORE1

Sangano rinomirira vadzidzi vezvikoro zvemapamusoro, reZimbabwe National Students Union, kana kuti ZINASU, nhasi ranyorera tsamba gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro, Muzvinafundo Amon Murwira, richikumbira kuita hurukuro navo pamusoro pemari yechikoro yegore rino.

Izvi zvinotevera danho rakatorwa nezvikoro zvizhinji zvemapamusoro izvo zvakatonyorera kubazi iri zvichida mvumo yekukwidza mari dzechikoro.

Mutungamiriri weZINASU, VaTakudzwa Ngadziore, vaudza Studio 7 kuti zvikoro zvave pedyo nekuvhurwa uye vanoda kuti hurumende ibude pachena pamusoro pemari ichabhadharwa nevadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro munyika.

VaNgadziore vati kunyange hazvo VaMurwira vari kuti mari iyi haizi kuzokwidza, pane humbowo hunoratidza kuti zvikoro zvema Polytechnic nezvikoro zvinodzidzisa varairidzi zvakatokwidza mari, uye vanoona sekuti mari iyi yakakwira zvakanyanya zvekuti vabereki vakawanda havakwanisi kuibhadhara.

VaNgadziore vati sangano ravo rinoda kuti vabereki vatange vawedzerwa mari dzemihoro mari yechikoro isati yakwidzwa.

Munyori anoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevakadzi nevarume muZINASU, Muzvare Nancy Njege, vaudza Studio7 kuti vadzidzi vacharatidzira kana hurumende ikasavaterera matambudziko akatarisana nevadzidzi munyika yose.

Vaimbove munyori mukuru muZINASU, VaMakomborero Haruzivishe, vatiwo apo zvikoro izvi zviri kuvhurwa mwedzi unouya, zvakakosha kuti hurumende izivise mari dzichabhadharwa nevadzidzi kuitira kuti vatsvage mari dzechikoro paine nguva.

Vatiwo mari dziri kutaurwa muzvikoro dzakanyanyisa uye hurumende inofanira kuona zvaingaite sezvo mitengo yezvimwe zvinhu zvinodiwa mukurarama iri kugara yakakwira nguva dzose.

Zviri kunyorwa pamadandemutande zvinoratidza kuti zvidzidzidzo zvakawanda muzvikoro zvizhinji zvichange zvave kuda mari inodarika zviuru zvipfumbamwe zvemadhora pakotoro yega yega kubva pamadhora mazana matanhatu pari zvino.

Asi VaMurwira vaudza Studio7 parunhare kuti zviri kutaurwa pamadandemutande manyepo sezvo pasina mubereki angakwanise kubhara mari dziri kutaurwa idzi.

VaMurwira vabvuma kuti mari dzemuzvikoro zvepamusoro dzichakwira uye mari idzi dzichaziviswa zvikoro zvisati zvavhurwa.

Vati mari idzi dzinokwidzwa pachitevedzwa matanho, ayo vati ndiwo avari kuita pari zvino.

VaMurwira vati gore rapfuura hurumende haina kukwidza mari idzi sezvo yaida kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzehupfumi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG