Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inobhadhara Chikwereti Chayo kuZESA


zesa
zesa

Hurumende inoti yabhadhara chikwereti chayo chemagetsi kumbani yemagetsi yeZESA uyewo yabhadharwa chikwereti cheZESA kukambani yemagetsi yeESKOM yekuSouth Africa.

Vachitaura mushure memusangano wedare remakurukota, gurukota rinoona nezvemamhando dzemoto, VaFortune Chasi, vati hurumende yabhadhara chikwereti chayo chemamiriyoni makumi maviri emadhora kuZESA uyewo yapa kambani iyi mamwe mamiriyoni makuma maviri emadhora ekuti kambani iyi ivandudze basa rekugaya magetsi.

Vatiwo vabhadhara chikwereti cheZESA kuESKOM chemamiriyoni gumi emadhora ekuAmerica. Vati izvi zvichabatsira kuti nyika ideredze dambudziko rekushomeka kwemagetsi munyika iro raita kuti nyika igove magetsi kana kuti loadshedding.

VaChasi vatiwo veruzhinji, makambani nemakanzuru vanofanira kubhadhara magetsi. Vatiwo nyaya yemagetsi inofanira kubatanidza vanhu munyika kuona kuti vogadzirisa sei dambudziko rekushomeka kwemagetsi.

Vachitaurawo mushure medare remakurukota, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati dare remakurukota ratambira danho rakatorwa nebazi rezvemari svondo rino rekudzora dhora remuno rikati danho iri richaunza kugadzikana munyika munyaya dzehupfumi.

Pavabvunzwa nezvekuti vanhu vane maNostro Foreign Currency Account nevaya vanotumirwa mari nemakambani akaita Western Union nemamwe, vachawana mari yavo here kana kuti vachamanikidzwa kuitengesa kumabhanga, Amai Mutsvangwa vati vanhu ava vacharamba vachiwana mari dzavo ari madhora ekuAmerica, mapaunzi nedzimwe mari dzekunze.

Asi kunyange hazvo Amai Mutsvangwa vati dare remakurukota ratambira gwaro reStatutory Instrument 142, masangano evashandi pamwe nevemabhizimisi audza hurumende kuti mutemo uyu unofanira kubviswa sezvo wakaitwa pasina kuwirirana sezvinodiwa pasi pemutemo weTNF.

Masangano aya atuma gurukota rezvevashandi, Doctor Sekai Nzenza, kuti vaendese nyaya iyi kudare remakurukota svondo rinouya kuti mutemo uyu ubviswe.

Zimbabwe Congress of Trade Unions inoti vashandi vacharamwa mabasa kana izvi zvikasaitika.

Mutemo uyu, uyo wakaburitswa nemusi weMuvhuro wave pamberi pekomiti yeparamende yeParliamentary Legal Committee iyo inoongorora kuti mitemo haipikisane nebumbiro remutemo here kana kuti kwete.

Rimwe gweta risina kuda kudomwa nezita raudza Studio7 kuti rinoona nesekuti mutemo uyo hauna kunyorwa zvakajeka uye zviri pachena kuti hurumende ine vanhu kana makambani ainoda kubata pachishandiswa mutemo uyu.

Zvichakadai nhengo dzeparamende nhasi dzati nyaya yekuzvidza paramende kuri kuitwa nemakurukota ehurumende iri kuenderera mberi yave kunganganisa mashandiro eparamende.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, Amai Priscillar Misihairambwi Mushonga, vaudza mutauriri weNational Assembly, Advocate VaJacob Mudenda, kuti makomiti ave kutadza kuita basa rawo nekuti makurukota ehurumende pamwe nevanyori vemapazi ehurumende havawanike, sezvo vanenge vasipo nguva dzese.

Amai Mushonga vati zviri pachena kuti zvose zvinotaurwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, hazvisi kuitwa nekuti makurukota avo nevanyori vawo havana basa ravari kuita.

Vati nekuda kwazvovo vave kuda kuita musangano wemasachigaro emakomiti eparamende nemutungamiriri wenyika.

Advocate Mudenda vatambira chikumbiro chaAmai Mushonga uye vaudza mukuru webasa rehurumende muparamende zvakare vari gurukota rezvemitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, kuti varonge musangano nemutungamiri wenyika.

Chitatu chega chega vatevedzeri vemutungamiriri wenyika, makurukota ehurumende nevatevedzeri vavo vanosungirwa kuenda kuparamende kunopindura mibvunzo kubva kunhengo dzeparamende asi vazhinji vavo havaendi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG