Accessibility links

Breaking News

Bhanga reMadzimai Rozarura Musuwo Waro


Bhanga

Hurumende yaparura bhanga idzva richange richibatsira vanhukadzi munyika yose senzira yekusimudzira madzimai munyaya dzehupfumi.

Bhanga reWomen Micro-Finance Bank raparurwa zviri pamutemo negurukota rezvemadzimai, Amai Sithembiso Nyoni, vachiti bhanga iri richabatsira vanhukadzi vasina midziyo yekubatisa kana vachida kukwereta mari kumabhanga.

Amai Nyoni vatiwo madzimai anoita mabasa ekutenga nekutengesa zvinhu achange achikwanisa kukwereta mari kubhanga iri.

Vachitaurawo pakuparurwa kwebhanga iri, mukuru mubazi remadzimai, Amai Thecla Madziwa, vati bhanga iri richabvisa zvimhingamipinyi zvange zvichitadzisa madzimai kuwana mari dzekutanga mabhizinesi nezvimwe zvinosimudzira hupfumi hwenyika.

Amai Madziwa vatiwo bhanga iri richange riri mumativi ose enyika, asi muzinda waro mukuru uri muHarare.

Amai Madziwa vakurudzira madzimai kuti vabhenge mari dzavo nebhanga iri kutanga musi warinovhurwa nemusi weChipiri svondo rinouya.

Mukuru webhanga iri ndiAmai Mandas Marikanda, avo vanove zvakare mutevedzeri wasachigaro webhodhi re Civil Aviation Authority of Zimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kuparura zvine mutsindo bhanga iri mukupera kwemwedzi uno.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG