Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yofunga Kutengesa Makambani Ayo


Zvitima
Zvitima

Hurumende inoti iri kuronga kutengesa zvikamu zvehupfumi mumakambani ayo, kana kuti ‘parastatals’.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari nekurongwa kwehupfumi, VaTerrence Mukupe, vanoti izvi zviri kukonzerwa nekusapinza mari kwemamwe makambani ehurumende aya.

VaMukupe vanoti hurumende inogona kuenda mberi ikatengesa kambani yese kwete zvikamu zvayo chete kana zvichinge zvakakodzera.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti zvavakuda kuitwa nehurumende kuda kupa makambani aya kuvanhu vanozivikanwa kare, kana avo vanodyidzana nehurumende.

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rakagara richiti makambani ehurumende aifanirwa kuitwa makambani akazvimirira kuitira kuti ashande nemazvo.

VaMukupe vati kutengeswa uku kuchaitwa pachena kune ani zvake ane mari kunyange havo vachaedza kubatsira zvizvarwa zveZimbabwe zvingada kutengawo zvikamu mukambani iyi kana kambani yose.

“Pari zvino, hapana hurongwa hwekuti makambani aya ngaatengeswere vari muZimbabwe chete. Kana ave kuzoburitswa, kunokwanisa kutariswa kuti wauya uri munhu wemuZimbabwe, uri wemuno, unayo mari yako, unokwanisa kupiwa mukana nokuti uri mwana wemuZimbabwe asi chikuru ndechokuti tinoda kuti makambani aya atange kufamba,” VaMukupe vaudza Studio 7.

Mamwe emakambani aya anosanganisira Air Zimbabwe, Zimbabwe Electricity Supply Authority, pamwe neNational Railways of Zimbabwe.

Makambani mazhinji aya ane zvikwereti zvikuru kunyanya Air Zimbabwe iyo inonzi zvikwereti zvayo zvinosvika mazana matatu emamirioni emadhora.

VaMukupe vanoti mamwe makambani akaita seZESA haagoni kutengeswa nekuti makambani akakoshera nyika nehurumende.

Hurukuro naVaTerence Mukupe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG